Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Macao

KUPARIDZA NEKUDZIDZISA PASI RESE

Nyika dzekuAsia neMiddle East

Nyika dzekuAsia neMiddle East
  • NYIKA 49

  • VANOGARAMO 4 464 374 770

  • VAPARIDZI 728 989

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 771 272

Kuparidzirwa Kwemunhu Mumwe Chete Kwakaita Kuti Vakawanda Vafarire

KuPhilippines, imwe hama inonzi Jonathan yakanga yakamirira kuonana nachiremba. Mumwe mukadzi anonzi Laila, uyo anoshanda panosvikira vanhu akaona kuchena kwainge kwakaita Jonathan ndokumubvunza kuti aiita zvemainishuwarenzi here. Jonathan akamuudza kuti aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha uye kuti akanga auya kuzobatsira chimwe Chapupu chaida kurapwa. Akabayiwa mwoyo uye akaudza Jonathan kuti baba vake avo vakanga vasina nguva refu vashaya, vaifarira kuverenga magazini eNharireyomurindi. Jonathan akamuverengera Johani 5:28, 29 uye akamupa turakiti rinonzi Ko Itariroi Iripo Nokuda Kwavadikani Vakafa?

Philippines: Jonathan achiparidzira mushandi wepanosvikira vanhu

Paairamba achienda kuchipatara, aiendesera Laila mamwe mabhuku uye akaita kuti aonane neimwe hanzvadzi, iyo yakabva yatanga kudzidza naye Bhaibheri. Pasina nguva, murume waLaila, munin’ina wake naamai vake vakabva vabatana naye pakudzidza, sezvo vaigara vese.

Muvakidzani waLaila anonzi Rose akaenda kwaari ndokumubvunza kuti nei pamba pake paiuya vanhu vakawanda. Laila akamuudza kuti aidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Rose akabva atangawo kudzidza, uye paakazoshanyira munin’ina wake kumusha kwavo, akamuudza kuti ainakidzwa nezvaaidzidza. Munin’ina wake Abigail, akafarira zvaakaudzwa saka akati aida kudzidza Bhaibheri. Amai vaRose vakatiwo vaida kudzidza Bhaibheri.

Laila akabhabhatidzwa pagungano remunharaunda richangopfuura. Iye zvino amai vake vakabhabhatidzwawo. Rose nemunin’ina wake vakabhabhatidzwa gore rakapera. Iye zvino amai vaRose vari kupinda misangano nguva dzese. Uyewo vamwe vemumhuri yaLaila vachiri kudzidza Bhaibheri. Zvese izvi zvakaitika nekuparidzirwa kwemunhu mumwe chete pachipatara!

Kushandisa Zvigadzirwa Zvemazuva Ano Kuti Vasvike Kune Matsi

Iye zvino, ndima yemutauro wemasaini yemuSri Lanka iri kukura chaizvo. Muna 2015, Zvapupu zvaingova nekero dzematsi dzisingapfuuri 80, uye dzakanga dzakaita zvekunyorwa patumapepa. Kubva ipapo, muSri Lanka makatangwa ungano yekutanga yeMutauro Wemasaini, uye pakatangwawo purogiramu yepakombiyuta yava nemazita anenge 420 pamwe chete neGPS iyo inoratidza kuti dzimba dzacho dziri papi pamepu. Hama dzakakurukura nevakawanda vevanhu ivavo, dzichiita zvekuvashanyira kana kuti kutaura navo pavhidhiyo kana kuti kuvanyorera mameseji. Mumwe mumishinari nemudzimai wake vanoti: “Iye zvino tava kukwanisa kupa vaparidzi vemuungano yacho ndima yekushanda. Kare zvainge zvisina kudaro nekuti vaparidzi vaienda kunoona matsi dzavaingoziva chete.”

Mashoko Ekutenda Kubva Kumukuru Mukuru Wehurumende

Hama dzekuMongolia dzinoshanda nesimba chaizvo pakuparidza munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda kunyange kunze kuchitonhora chaizvo (-30°C). Mumwe mukuru mukuru wehurumende akatora mabhuku pachingoro uye akabva anyora mashoko ekutenda. Mashoko acho aiti: “Ndiri muBuddha. Asi handishori zvinoitwa nezvimwe zvitendero, ndinoona zvakangonakawo kuongorora zvinoitwa nevamwe. Pandakaverenga mamwe emabhuku amunopa vanhu, ndakafunga kukunyorerai tsamba ndichikutendai. Ndinonyatsoona kuti muri kushandisa simba renyu nenguva yakawanda chaizvo kuti mupe vanhu mashoko anobatsira. Chimwe chandakaonawo mumabhuku enyu ndechekuti Bhaibheri ibhuku rinofanira kuverengwa. Ndiro rine chokwadi. Rinotitungamirira muupenyu hwedu. Ndinoda kutenda vese vari kushanda nesimba chaizvo pakushandurira mabhuku enyu muchiMongolian. Ndinotendawo vese vanopa vanhu mabhuku anobatsira pasinei nekuti kunze kuri kunyanya kupisa here kana kuti kuri kutonhora chaizvo.”

Mongolia: Kuparidzira veruzhinji kuchitonhora

Munyengetero Wake Wakanzwiwa

Mumwe piyona wekuHong Kong anonzi Brett, akaenda kune mumwe murume apfuura makore 25, akamupa turakiti rakanzi Chii Chinodiwa Kuti Mhuri Ifare? Murume wacho paakariona akabva atanga kubuda misodzi. Akataura kuti akarererwa mumhuri yeZvapupu, asi akazotiza pamba paakanga ava nemakore 16. Kwemakore 5 akazotevera, aigara mumigwagwa uye akatanga kupindwa muropa nemadhiragi kusvikira paakazoonekwa ndokubatsirwa nerimwe sangano rinoyamura.

Akaenderera mberi nekutaura kuti mangwanani emusi uyu waakazosangana nehama iyoyo, akanga anyengetera achiti, “Kana chechi yandaipinda ndichiri mudiki iriyo yechokwadi, ndinokumbirawo kuti mundiratidze izvozvo nhasi.” Akaona kuti munyengetero wake wainge wapindurwa. Vakabva vaenda vese kunoverenga mashoko ari mubhurocha raDzoka Kuna Jehovha vari muchitoro chinotengesa kofi. Vakapanana nhamba dzefoni sezvo murume wacho aizodzokera kuFrance manheru emusi iwoyo. Murume wacho akazonyorera Brett meseji achiti: “Hama yangu inodiwa, Jehovha akapindura minyengetero yangu. Musi weSvondo ndiri kuenda paImba yeUmambo yekwandiri kugara.” Akaonana nezvapupu zvekuFrance uye akatanga kudzidza Bhaibheri nekupinda misangano.