Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
Verenga nezvemabasa anoitwa neZvapupu zvaJehovha muGeorgia uye pasi rese.
Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira
Rinoratidza kuti rinoda Zvapupu zvaJehovha pasi rese uye rinotenda basa ravo.
Kuita Kuti Basa Rekuparidza Pasi Rese Rive Pekutanga
Vanhu vaimboshanda paBheteri vakachinja sei mararamiro avo kuti aenderane neupenyu hutsva hwekundima?
“Handisati Ndamboona Vavakidzani Vakanaka Semi”
Pakupera kwevhiki musi wa7 na8 May, 2016, vanhu vakakokwa kuti vauye kuzoona zvaiva paBheteri rekuBrooklyn, kusanganisira maBhaibheri ekare kare ayo akapa uchapupu hwakanaka kuvavakidzani.
Musangano Mutsva weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
Muna January 2016, maitirwo emusangano weungano wepakati pevhiki akachinjwa pasi rese.
JW Broadcasting ‘Inotipa Simba Uye Inotizorodza!’
JW Broadcasting yakatanga muna 2014 uye yava kubuda mumitauro inopfuura 90. Vanhu vari kuiona sei?
Kutsaurirwa Kwemapazi
Kutsaurirwa kwezvivako zvitsva zvemapazi ekuKyrgyzstan nekuArmenia zviitiko zvinofadza zvine chekuita nekunamata zvakaitika kuZvapupu zveko.
Mushumo wa2016 Wenyaya Dzemumatare
Inyaya dzei dzakapindira Zvapupu zvaJehovha mumatare muna 2016?
Nyaya Dzinofadza—Dzakaitika Kwakasiyana-siyana
Mishumo yezvakaitwa neZvapupu zvaJehovha kuArgentina, Belize, Burundi, Congo (Kinshasa), Germany, Italy, Nepal, Papua New Guinea, uye Uganda.
Africa
Verenga unzwe zvakaitika kune zvimwe Zvapupu uye zvakaitika pabasa rekudzidzisa vanhu Bhaibheri rinoitwa neZvapupu zvaJehovha kuGhana, Guinea-Bissau, Liberia, Malawi, Togo, uye Sierra Leone.
Nyika dzekuAmerica
Zvakaitika kuBrazil, Haiti, Mexico, United States, uye Venezuela.
Nyika dzekuAsia neMiddle East
Zvakaitika kuHong Kong, Mongolia, Philippines, uye Sri Lanka.
Europe
Verenga unzwe zvakaitika kuAzerbaijan, Britain, Bulgaria, Georgia, Denmark, Hungary, Norway, uye Ukraine.
Oceania
Zvakaitika pabasa reZvapupu uye zvakataurwa neZvapupu kuAustralia, Guam, New Caledonia, Papua New Guinea, uye Timor-Leste.
Zvakaita Georgia
Inzwa muchidimbu zvakaita nyika yeGeorgia iyo iri pedyo neBlack Sea, vanhu vacho, tsika, uye mutauro weko.
Vanhu Vekutanga tanga Kutsvaka Chokwadi
Vakanga vadzidza chokwadi cheBhaibheri vari kune dzimwe nzvimbo vakauya Georgia kuti vaparadzire chokwadi cheUmambo.
Misangano Inovabatsira Vese Kuti Vasimbe Pakutenda
Misangano yechiKristu uye mabhuku emutauro wechiGeorgian zvakavhura sei mukana wekuti vanhu vakawanda vazowana chokwadi?
Ndaida Kuchinja Mararamiro Andaiita
Nguva yaaifanira kushanda muchiuto payakapera, Davit Samkharadze akanyengetera achikumbira kuti abatsirwe kuchinja mararamiro ake. Zuva rakatevera, akaonana neZvapupu zvaJehovha.
Ndakakumbira Jehovha Kuti Anditungamirire
Tamazi Biblaia akakumbira Mwari uye Mwari akamutungamirira asati atamira kune rimwe taundi.
“Zvinhu Zvose Zvinobvira Kuna Mwari”
Paakabatsira zvimwe Zvapupu kuprinda mabhuku anotsanangura Bhaibheri muchiGeorgian, Natela akaona sekuti zvakanga ‘zvisingabviri.’
Bhaibheri muchiGeorgian
Zvinyorwa zveBhaibheri muchiGeorgian chekare zvinonzi zvakanyorwa pakati pemakore ekuma400 C.E. kana kuti makore iwayo asati asvika.
“Mwari Akaramba Achiita Kuti Zvikure.”—1 VaK. 3:6.
Georgia payakawana kuzvitonga, Zvapupu zvaJehovha zvakafadzwa nekuona vanhu vakawanda vachiuya muchokwadi.
Vafudzi Vane Hanya Vanoita Basa Rekudzidzisa
Pakaparara utongi hwechiCommunist, Zvapupu zvaizoronga sei ungano, misangano, magungano, uye zvaizoshandura sei mabhuku anotsanangura Bhaibheri?
Aisakwanisa Kurisiya Pasi!
Badri Kopaliani aiva nechido chakasimba chekuverenga Bhaibheri rake idzva, akakumbira mazuva ekusava pabasa kuti apedze kuriverenga.
Nguva Yese Iyi Makanga Muri Kupi?
Pasati patombopera gore abhabhatidzwa, Artur Gerekhelia akaenda kwaidiwa vaparidzi veUmambo vakawanda.
Ndainzwa Kuti Zviri Kunyatsondifambira
Madona Kankia aimbova mubato rechiCommunist muGeorgia uye aizivikanwa chaizvo, asi akazosarudza kuchinja upenyu hwake.
Rudo Rwechokwadi rwechiKristu Harumboperi
Panguva yairwiwa hondo muAbkhazia, Igor Ochigava naGizo Narmania vakabatsira Zvapupu zvavainamata nazvo nevamwewo vanhu kuti vawane zvekurarama nazvo uye mashoko emuBhaibheri anozorodza.
Ndakazvionera Ndega Zvinotaurwa neBhaibheri!
Achida kuziva nezveZvapupu zvaJehovha, Pepo akaita zvaakaudzwa naamai vake, pavakati: “Enda unozvinzwira zvavanodzidzisa.”
Kuwana Makomborero ‘Mumwaka Wakakodzera Neunotambudza.’—2 Tim. 4:2.
Mumakore aya, nhamba yeZvapupu zvaJehovha yakawedzera nekukurumidza, asi vakabva vatanga kushorwa nevanhu vavaisambofungidzira.
Kutyisidzirwa Hakuna Kuvatadzisa Kushumira Jehovha
Veruzhinji vakati kudii nekutambudzwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha muGeorgia?
“Iyi Inhaka Yevashumiri vaJehovha.”—Isa. 54:17.
Vaparidzi vanoshanda nesimba kuti vawedzera basa ravanoitira Jehovha vanowana chikomborero chake.
Vakayeuka Musiki Wavo Mukuru
Pamapiyona ari muGeorgia, mumwe chete pavatatu vavo ane makore 25 kana kuti ari pasi.
VaKurd Vanogamuchira Chokwadi
Vanhu vanotya Mwari vari kufara kunzwa chokwadi mumutauro wavo.
Rudo Harwuna Muganhu
Vanambuya vaviri vakazvionera rudo rwevanhu vaMwari.
Makore Zana Apfuura—1917
Gore ra1917 raiva gore rekuedzwa nekusefwa kuVadzidzi veBhaibheri vakawanda. Pasinei nezvinetso, vakavimbika vakaramba vachishanda kuti basa reUmambo rifambire mberi.
2016 Nhamba Dzese
Mushumo wegore unotipa mashoko ane chekuita nebasa reZvapupu zvaJehovha pasi rese mugore ra2016.
Mushumo Wegore Rebasa ra2016 weZvapupu zvaJehovha Pasi Rese
Mushumo uyu unosanganisira nhamba yeZvapupu zvese, mapazi, nyika, vakapinda Chirangaridzo nezvimwewo.

