Dominican Republic
MUNA 1492, Christopher Columbus akaenda nengarava kune yainzi Nyika Itsva. Idzi dzaiva nzvimbo dzainakidza dzaiva neupfumi uye dzaaigona kufamba achiongorora kuti dzakaita sei. Chimwe chitsuwa chaakasvika pachiri akachitumidza zita rekuti La Isla Española, kana kuti Hispaniola, uye zvikamu zviviri muzvitatu zvechitsuwa ichi zvava zveDominican Republic. Iye zvino, zviuru zvevagari vemuDominican Republic zvakawana chimwe chinhu chakasiyana—nyika itsva ichaunzwa neUmambo hwaMwari inenge iine kururama kusingaperi. (2 Pet. 3:13) Mashoko anotevera inhoroondo isingakanganwiki yevanhu vane mwoyo yakanaka vakawana chinhu ichi chinokosha zvikuru.
ZVIRI MUCHIKAMU CHINO
Zvakaita Dominican Republic
Verenga pfupiso nezvenyika uye vanhu vacho.
Ndima Itsva
Pakapera nguva yakareba sei kuti mamishinari ekutanga muDominican Republic azowana chidzidzo cheBhaibheri chekutanga?
“Tichavawana”
Pashure pemakore 13, Pablo González akazowana vaakanga achitsvaga.
Vakasungwa Uye Vakabhanwa
Zvimwe Zvapupu zvakakwanisa sei kutsungirira kutambudzwa kwazvakaitwa kwemakore zviri mujeri?
Kuparidza Kunoenderera Mberi
Panzvimbo pekunyora kuti kudzokerera uye maawa, vaparidzi vainyora mazita ezvekudya zvaisanganisira makabheji uye sipinachi.
Vakasunungurwa, Ndokubhanwa Zvakare
Basa reZvapupu zvaJehovha rakazotanga kubvumirwa muDominican Republic muna 1956, pashure pemakore 6 rabhanwa, asi pashure pemwedzi 11 rakabva rabhanwazve.
Trujillo Nechechi yeRoma
Roma, iyo yaitsigira mutungamiriri aidzvinyirira weDominican Republic, yakachinja maonero ayo ndokukumbira ruregerero kuvagari vemo.
Kurwiswa Zvine Utsinye
Zvapupu zvakatyisidzirwa, asi kutyisidzira kwacho kwakabudirira here?
Ndiani Musoro?
Muchina wakaita setapureta, gaba hombe remafuta, saga, uye mufarinya zvaishandiswa pakugadzira uye kuendesa zvekudya zvekunamata panguva yainge yakabhanwa basa redu.
Kuita Zvinosungisa
Kunyange zvazvo misangano yeZvapupu yainge yakabhanwa, Zvapupu zvemuDominican Republic zvakawana nzira dzekuti zvirambe zvichiungana asi zvisingabatwi.
Kutsungirira Kwakaita Kuti Vave Vakasununguka
Pashure pemakore zvichipikiswa nehurumende, Zvapupu zvemuDominican Republic zvakawana rubatsiro kubva kumunhu wazvakanga zvisingatarisiri.
“Ndakarwisa Seshumba”
Luis Eduardo Montás, uyo akaedza kuuraya mutungamiriri wenyika yacho aidzvinyirira, akawana chokwadi paaitsvaka rubatsiro kuti aedzezve kumuuraya.
“Tariro yeUmambo Hakusi Kungorota”
Efraín De La Cruz akagariswa mumajeri manomwe uye akarohwa zvikuru ari imomo nemhaka yekuparidza mashoko akanaka. Akakwanisa sei kuramba achishingaira kwemakore anopfuura 60?
“Ndicharamba Ndiri Mumwe weZvapupu zvaJehovha”
Kunyange zvazvo Mary Glass akanga anyeverwa nemupristi kuti kana akaverenga Bhaibheri aizopenga, akangoriverenga zvakadaro ndokuona chaairambidzirwa kuriverenga.
Rusununguko Rwekuparidza
Pashure pekuurayiwa kwaTrujillo, mamishinari akawanda akauya akatanga kuparidza. Zvishoma nezvishoma vakakwanisa kuita kuti kusanzwisiswa kweZvapupu zvaJehovha kupere.
Zvicharamba Zviri Muno
Basa rekuparidzira rakaenderera mberi pasinei nekusagadzikana kwezvematongerwo enyika. Chii chakaratidza kuti Zvapupu ‘zvicharamba zviri’ muDominican Republic?
Vamwe Vaparidzi Vari Kudiwa
Nhoroondo yeZvapupu zvaJehovha muDominican Republic inenge isina kukwana kana tikasataura nezvevaya vakabvuma kuuya kuzoparidza.
Vanoda Hama Dzavo
Pashure pekunge Hurricane Georges yapfuura nemuDominican Republic muna 1998, rudo rweZvapupu rwakanyaradza vakawanda uye rwakaita kuti Jehovha Mwari arumbidzwe.
Zvii Zvakaitwa Nemhaka Yekuwedzera Kwaiitika?
Nhamba yavo payakawedzera, Zvapupu zvakaita sei kuti pave nezvivako zvinokwana zvekushandisa pakunamata, uyewo kuti pave nehama dzinokwanisa kutungamirira?
Ndima yeHaitian Creole
Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza mashoko eUmambo kuvanhu vanotaura chiHaitian Creole. Nekufamba kwenguva, ungano dzaitangwa uye makirasi emutauro wacho aiitwa.
Kudengenyeka Kwenyika muHaiti
Bazi reZvapupu zvaJehovha remuDominican Republic rakaronga kuyamura vanhu pashure pekudengenyeka kwenyika muHaiti muna 2010. Vakawanda vakazvipira kubatsira.
Tariro Inofadza
Basa rekuparidza nekuita kuti vanhu vave vadzidzi rabudirira chaizvo muDominican Republic kubva muna 1945. Pane zvikonzero zvekutarisira ramangwana rakajeka.
Jehovha Akavhura Mwoyo Yevakawanda
Hapana kana mumwe chete akaratidza kufarira chokwadi cheBhaibheri, Leonardo Amor paaiva muLa Vega. Mwoyo yevanhu yaizombochinja here?
Vanhu 22 Vakabuda Muchechi
Zvaitaurwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvaivhiringidza vanhu vemutaundi racho ‘nedzidziso dzakaipa kwazvo.’ Asi Zvapupu zvaishandisa Bhaibheri kupindura mibvunzo yevanhu.
Mupanduki Aisatenda Kuti Kuna Mwari Ava Mushumiri waMwari
Juan Crispín aisatenda kuti kuna Mwari uye aifunga kuti chimurenga chaizoita kuti zvinhu zvive nani pasi rese. Chii chakamuchinja kuti azova mushumiri waMwari?
Matsi Yekutanga Kugamuchira Chokwadi
José Pérez ndiye matsi yekutanga kuva Chapupu muDominican Republic. José akakwanisa sei ‘kunzwa’ zvinotaurwa neBhaibheri uye kunyatsonzwisisa zvarinodzidzisa?
Kuwana Chinangwa Muupenyu
José Estévez nemhuri yake vakawana chinangwa chaicho muupenyu. Vakazvionera sei kuti Jehovha anozadzisa vimbiso dzake?
Ndakafunga Kusiya Zvekushumira Mwari
Kunyange zvazvo Martín Paredes aidzidzira kuva mupristi, akafunga kusiya zvekushumira Mwari. Bhuku raakakumbira kuna akaundendi wepakoreji rakachinja sei upenyu hwake?

