Shona
Purogiramu yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu yaSeptember 29–​October 5, 2025
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/202025325/univ/art/202025325_univ_sqr_xl.jpg
mwb25 September pp. 8-9

September 29–October 5

MUPARIDZI 3-4

September 29–October 5

Rwiyo 93 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Wanai nguva yekuva pamwe chete uye yekuitawo zvinhu zvekunamata

1. Simbisai Tambo Yenyu Yakakoswa Netambo Nhatu

(10 min.)

Wanai nguva yekukurukura zvinhu zvinokurudzira uye zvinovaka (Mup 3:1; ijwhf nyaya 10 ¶2-8)

Itai zvinhu pamwe chete (Mup 4:9; w23.05 23-24 ¶12-14)

Shandai nesimba kuti muve neushamwari hwakasimba naJehovha (Mup 4:12; w23.05 21 ¶3)


ZVIBVUNZE KUTI, ‘Wanano yangu inokanganiswa sei kana ndikaita nguva yakareba ndiri kure nemumwe wangu, zvichikonzerwa nemabasa kana kuti nezvimwewo zvandinenge ndichiita?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Mup 3:8—Ndepapi painenge isiri “nguva yekuda”? (it-E “Rudo” ¶39)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Tanga kukurukura nemunhu uchishandisa Nharireyomurindi Nhamba 1 2025. Kana munhu wauri kutaura naye akaratidza kuti anewo imwe nyaya yaari kuda kutaura nezvayo, taura naye zvinoenderana nenyaya iyoyo. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 5)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Udza munhu wawakapa Nharireyomurindi Nhamba 1 2025 nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 4)

6. Hurukuro

(5 min.) lmd mashoko ekuwedzera A pfungwa 12—Musoro: Mwari Haasarure. (th chidzidzo 19)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 131

7. Kana Mukava Nematambudziko Muwanano Yenyu, Itai Kuti Jehovha Akutungamirirei

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Jehovha anopa varume nemadzimai echiKristu zvavanoda kuti vafare muwanano dzavo. Asi vari muwanano vanombosangana nematambudziko. (1VaK 7:28) Kana matambudziko iwayo akasagadziriswa, vanorasikirwa nemufaro wavo, votanga kuona sekuti hazvichagadzirisiki. Ungaitei kana uine matambudziko akadaro muwanano yako?

Vhidhiyo inonzi Chii Chinonzi Rudo Rwechokwadi? inoratidza murume nemudzimai vechidiki vari kusangana nematambudziko akakura chaizvo muwanano yavo. Unoyeuka here zano rakapiwa mwanasikana wacho nababa vake paainge ava kuda kuita chisarudzo asina kutanga afunga nezvaJehovha?

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Chii Chinonzi Rudo Rwechokwadi?—Chidimbu, mobvunza vateereri kuti:

  • Nei tichifanira kuvimba nezvinotaurwa naJehovha patinenge tichisangana nematambudziko muwanano?—Isa 48:17; Mt 19:6.

Kana uri kusangana nematambudziko muwanano yako, ramba uri pedyo naJehovha kuburikidza nekugara uchiita zvinhu zvekunamata. Shanda nesimba kuti ugadzirise matambudziko ako uchishandisa zvinotaurwa neBhaibheri, uye tsvaga mazano mumabhuku edu ayo achakubatsira kuti uone kuti Jehovha anonzwa sei nezvemamiriro ako ezvinhu uye kuti anoda kuti uitei. Kana ukadaro, unenge uchiratidza Jehovha kuti unoda kubatsirwa naye.—Zvi 10:22; Isa 41:10.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Usanyengedzwa Nerugare Nerunyararo Zvekunyepedzera!—Darrel naDeborah Freisinger, mobvunza vateereri kuti:

  • Wadzidzei kubva pane zvakaitwa naHama naHanzvadzi Freisinger pakugadzirisa matambudziko akakura muwanano?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 51 Nemunyengetero