October 6-12
MUPARIDZI 5-6
Rwiyo 42 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
VaIsraeri vari kunyatsoteerera mupristi ari kutsanangura Mutemo
1. Tinoratidza Sei Kuti Tinoremekedza Chaizvo Mwari Wedu Mukuru?
(10 min.)
Tinoremekedza Mwari wedu nekuteerera pamisangano yeungano, uye nemapfekero edu pamwe chete nekushambidzika kwedu (Mup 5:1; w08 8/15 15-16 ¶17-18)
Patinonyengetera paruzhinji, munyengetero wacho unofanira kuratidza kuti tinoremekedza Mwari wedu uye haufaniri kurebesa (Mup 5:2; w09 11/15 11 ¶21)
Tinorarama maererano nemhiko yedu yekuzvitsaurira (Mup 5:4-6; w17.04 6 ¶12)
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
-
Mup 5:8—Vhesi iyi ingatinyaradza sei patinenge tisina kubatwa zvakanaka? (w20.09 31 ¶3-5)
-
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Mup 5:1-17 (th chidzidzo 12)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(1 min.) PAIMBA NEIMBA. Munhu wacho ari kuda kuitisana nharo newe. (lmd chidzidzo 4 pfungwa 5)
5. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(2 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Shandisa imwe yenyaya dziri mumashoko ekuwedzera A ebhurocha raIva Nerudo Nevanhu pakanzi “Nyaya Dzatinofarira Kudzidzisa Vanhu.” (lmd chidzidzo 1 pfungwa 3)
6. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Ita seuri kumuratidza imwe yemavhidhiyo ari muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa mokurukura zvirimo. (lmd chidzidzo 7 pfungwa 3)
7. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi
Rwiyo 160
8. Uri Kushandisa Chikamu Chakanzi “Nyaya Dzatinofarira Kudzidzisa Vanhu” Here?
(15 min.) Kukurukura nevateereri.
Bhurocha raIva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi riri kutibatsira kuwedzera unyanzvi hwedu pakukurukura nevanhu kubvira parakabudiswa. Mashoko Ekuwedzera A anotibatsira kuti tikwanise kutaura chokwadi cheBhaibheri nenzira iri nyore patinenge tichikurukura nevanhu. (VaH 4:12) Wava kuziva here nyaya 9 dzinotaurwa pachikamu chakanzi “Nyaya Dzatinofarira Kudzidzisa Vanhu”?
-
Patinenge tichitaura nemunhu, tingamuudza sei chokwadi cheBhaibheri nenzira iri nyore uye panguva yakakodzera?—lmd mashoko ekuwedzera A
-
Inyaya dzipi dzinonyanya kufarirwa nevanhu vemundima yenyu?
-
Ungaitei kuti uwedzere kuziva mavhesi ari mumashoko ekuwedzera A?
Patinoramba tichishandisa mavhesi aya muushumiri, tinowedzerawo kuaziva. Saka kuti tiashandise muushumiri, tinofanira kugara tichitaura nevanhu vemundima yedu.
Ratidzai VHIDHIYO inonzi “Simbi Inorodza Simbi”—Kuparidzira Vanhu Vakawanda, mobvunza vateereri kuti:
-
Chii chingatibatsira kuti titaure nevanhu vakawanda vemundima yedu?
9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) lfb chidzidzo 24 ne25

