Shona
Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidza Padzimba Dzine Makamera Kana maIntercom
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/202020329/univ/art/202020329_univ_sqr_xl.jpg
mwb20 September p. 8

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidza Padzimba Dzine Makamera Kana maIntercom

Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidza Padzimba Dzine Makamera Kana maIntercom

NEI ZVICHIKOSHA? Kufambira mberi kwezvigadzirwa zvemazuva ano uye kuwedzera kweutsotsi zviri kuita kuti vakawanda vaise makamera nemaintercom padzimba dzavo. Tinogona kutya kuparidzira munhu watinenge tisingaoni asi iye achitiona. Mazano anotevera achatibatsira kuti tibudirire kuparidza padzimba dzine makamera kana maintercom.

MAITIRWO AZVO:

  • Iva nemaonero akanaka. Vanhu vakawanda vane makamera nemaintercom padzimba dzavo vanoda kutaura nesu

  • Yeuka kuti mamwe makamera anotanga kukurekodha usati watombobaya bhero uye saimba anogona kutanga kutokuona kana kunzwa zvauri kutaura paunongosvika pamba pake

  • Kana saimba adaira, taura paintercom kana kuti pakamera sekunge kuti uri kutomuona. Nyemwerera uye iva munhu akasununguka. Taura zvawaizotaura kudai munhu iyeye aizouya padhoo. Kana paine kamera usabva wanyanya kuenda padhuze nayo. Kana saimba akasapindura, usasiya meseji kunyange kana kamera yacho ichikwanisa kurekodha mameseji

  • Kana mapedza kutaura nasaimba yeuka kuti anogona kunge achiri kukuona uye achikunzwa