PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU September 2017
Mharidzo Dzekuenzanisira
Mharidzo yeNharireyomurindi uye yekudzidzisa chokwadi panyaya yekuti zvinotaurwa neBhaibheri nezvesainzi ndezvechokwadi here. Shandisa mienzaniso iyi pakugadzira mharidzo dzako.
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Kunamata Kwakachena Kunotangazve!
Temberi yakaratidzwa Ezekieri yakaita kuti vaJudha vakavimbika vakanga vakatapwa vave nechokwadi chekuti kunamata kwakachena kwaizotangazve.
KURARAMA KWECHIKRISTU
Nei Uchikoshesa Kunamata Kwakachena?
Kunamata kwakachena kwasimbiswa kwazvo. Unogara uchifunga nezveropafadzo yauinayo yekuziva Jehovha uye yekumushumira here?
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Makomborero Aizowanikwa nevaIsraeri
Zvakaonekwa naEzekieri zvakaratidza kuti kunamata kwakachena kwaizotangazve, uye kuti zvinhu zvaizova zvakarongeka, vanhu vachishanda pamwe chete uye pasisina chekutya.
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Tikavimbika Kuna Jehovha Tinokomborerwa
Nyaya yevaHebheru vatatu inogona kutibatsira kuramba takavimbika kuna Jehovha.
KURARAMA KWECHIKRISTU
Iva Akavimbika Paunoedzwa
Jesu Kristu akaramba akavimbika kuna Mwari paaiedzwa. Isu tinogonawo here kuramba takavimbika patinoedzwa?
KURARAMA KWECHIKRISTU
Ramba Wakavimbika Kana Hama Yako Ikadzingwa
Panodzingwa hama yedu, kuvimbika kwedu kuna Jehovha Mwari kunoedzwa. Chii chingatibatsira kuti tirambe takavimbika?
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Ucharamba Uchishumira Jehovha Here?
Dhanieri akaramba achishumira Mwari. Haana kubvumira chero chii zvacho chichimutadzisa kushumira Mwari.
KURARAMA KWECHIKRISTU
Vadzidzise Kuti Varambe Vachishumira Jehovha
Dzidzisa vaparidzi vatsva kugara vachishingaira muushumiri kubvira pekutanga. Batsira waunodzidza naye kuti ave muparidzi ane unyanzvi.

