PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU November 2017
Mharidzo Dzekuenzanisira
Mharidzo yeNharireyomurindi uye yekudzidzisa chokwadi nezvezita raMwari. Shandisa mienzaniso iyi pakugadzira mharidzo dzako.
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Tsvakai Jehovha Kuti Murambe Muchirarama”
Zvinorevei kutsvaka Mwari? Tinodzidzei kubva kuvaIsraeri vakarega kutsvaka Jehovha?
KURARAMA KWECHIKRISTU
Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kudzokera Kunoona Munhu Akafarira
Zvaungaita kuti ubudirire paunodzokera kumunhu akafarira. Ita kuti arambe achifarira, gadzirira, uye ramba uine chinangwa chekutanga chidzidzo cheBhaibheri.
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Dzidza Kubva Pazvikanganiso Zvako
Nyaya yaJona inoratidza kuti Jehovha Mwari haatiramwi patinokanganisa, asi anoda kuti tidzidze kubva pazvikanganiso zvedu tobva tagadzirisa.
KURARAMA KWECHIKRISTU
Zvidzidzo Zvatinowana Mubhuku raJona
Nyaya yaJona inogona kutibatsira kana tikasangana nezvinhu zvinorwadza, kugadzirisa maonero atinoita ushumiri uye kuziva kuti munyengetero unogona kutisimbisa.
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Jehovha Anodei Kwatiri?
Kunamata kwedu kwakabatana papi nemabatiro atinoita vatinonamata navo?
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Ramba Wakamuka Pakunamata Uye Uchishingaira
Zvaiita sekuti vaBhabhironi vakanga vasiri kuzokwanisa kuparadza Judha. Asi zvaiva zvaprofitwa ndizvo zvaizoitika, uye Habhakuki aifanira kuramba akazvimirira.
KURARAMA KWECHIKRISTU
Ramba Wakamuka Pakunamata Uye Uchishingaira Zvinhu Pazvinochinja
Kuchinja kwezvinhu kukada kuvhiringidza kunamata kwedu uye ukama hwedu naJehovha, chii chichatibatsira kuti tirambe takamuka pakunamata uye tichishingaira?

