PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU

Vechidiki—Musanonoka Kupinda ‘Nepasuo Guru’

Shona
Vechidiki—Musanonoka Kupinda ‘Nepasuo Guru’
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/202016411/univ/art/202016411_univ_sqr_xl.jpg

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vechidiki—Musanonoka Kupinda ‘Nepasuo Guru’

Vechidiki—Musanonoka Kupinda ‘Nepasuo Guru’

Zviri nyore kuti tifunge kuti ticharamba tiri vadiki uye kuti hatizosangani nematambudziko anouya nekukura munyika ino yaSatani. (Mup 12:1) Kana uri wechidiki, zvine musoro here kumboverengera uchiti uchazoti wotanga kuita zvaunenge wakaronga pakunamata zvakadai sebasa renguva yakazara?

Vanhu vose kusanganisira vechidiki, ‘vanowirwa nezviitiko zvisingafanoonekwi.’ (Mup 9:11) Hamuzivi “zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana.” (Jak 4:14) Saka musanonoka kuita zvamunenge maronga mune zvekunamata nezvikonzero zvidiki diki. Pindai ‘nepasuo guru rebasa’ mukana wacho uchiripo. (1VaK 16:9) Hamuzombozvidembi.

Zvimwe zvamunogona kuita pakunamata:

  • Kuparidzira nemumwe mutauro

  • Kupayona

  • Kupinda zvikoro zvesangano

  • Kuvaka

  • Kushanda paBheteri

  • Kuita basa remudunhu

Nyora zvaunoda kuzoita.