PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU

Ita Zvisarudzo Zvakanaka Panyaya Yekunwa Doro

Shona
Ita Zvisarudzo Zvakanaka Panyaya Yekunwa Doro
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/202021184/univ/art/202021184_univ_sqr_xl.jpg
mwb21 May p. 16

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ita Zvisarudzo Zvakanaka Panyaya Yekunwa Doro

Ita Zvisarudzo Zvakanaka Panyaya Yekunwa Doro

VaKristu vese vanofanira kuzvidzora panyaya yekunwa doro. (Zvi 23:20, 29-35; 1VaK 6:9, 10) Kana muKristu akasarudza kunwa, anofanira kurinwa zvine mwero. Uyewo haafaniri kugumbura vamwe kana kurega doro richimupinda muropa zvekuti haakwanisi kurarama asingarinwi. (1VaK 10:23, 24; 1Ti 5:23) Hapana munhu, kunyanya vari kuyaruka, anofanira kumanikidzwa kunwa doro.

ONA VHIDHIYO INONZI FUNGA ZVINGAZOITIKA KANA UKANWA DORO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Nei vaKristu vese vachifanira kuteerera mitemo ine chekuita nekunwa doro kunzvimbo dzavanogara?—VaR 13:1-4

  • Nei tisingafaniri kurega vamwe vachitimanikidza kunwa doro?—VaR 6:16

  • Tingaita sei kuti tisapinda mumatambudziko anokonzerwa nekunwa doro?