PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU

Usakundwa Nekutya Vanhu

Shona
Usakundwa Nekutya Vanhu
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/202018171/univ/art/202018171_univ_sqr_xl.jpg

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAKO 13-14

Usakundwa Nekutya Vanhu

Usakundwa Nekutya Vanhu

Chii chakaita kuti vaapostora varare uye varambe Jesu?

14:29, 31

  • Vainyanya kuzvivimba. Petro aitofunga kuti aizoramba akavimbika kuna Jesu kupfuura vamwe vaapostora

14:32, 37-41

  • Havana kuramba vakarinda uye vachinyengetera

Pashure pekunge Jesu amutswa, chii chakabatsira vaapostora kuti vasaramba vachitya vanhu uye vakwanise kuparidza kunyange pavaipikiswa?

13:9-13

  • Vakayeuka zvavakanga vamboudzwa naJesu, uye izvi zvakaita kuti vagadzirire kutambudzwa kwavaizosangana nako

  • Vakavimba naJehovha uye vakanyengetera.—Mab 4:24, 29

Ndepapi pazvisiri nyore kuratidza ushingi?