March 23-29
ISAYA 48-49
Rwiyo 89 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. Dzidza Uye Shandisa Zvaunodzidziswa naJehovha
(10 min.)
Jehovha anodzidzisa vashumiri vake (Isa 48:17; it “Mudzidzisi, Kudzidzisa” ¶2-mwbr)
Tinofanira kusarudza kuti tinoda kuteerera Jehovha here (Isa 48:18a; ijwbq nyaya 44 ¶2-3)
Kana tikasarudza kumuteerera, rugare rwedu ruchaita “serwizi” uye kururama kwedu “semafungu egungwa” (Isa 48:18b; lv 198 ¶8)
KUTSANANGURWA KWESHOKO: Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “rugare” rinogona kuburitsa pfungwa yekuva neutano, kuchengeteka, kuva munhu akagwinya, uye kuva neushamwari hwakanaka nevamwe.
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
-
Isa 49:8—Uprofita uhwu hwakazadziswa munzira dzipi nhatu? (it “Nguva Yekufarirwa” ¶1-3-mwbr)
-
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Isa 48:9-20 (th chidzidzo 11)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(3 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Koka munhu weukama asingachaiti basa kuhurukuro inokosha nekuChirangaridzo. (lmd chidzidzo 5 pfungwa 3)
5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Tsanangurira munhu ari kuda kupinda Chirangaridzo zvichaitwa pamusangano wacho. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 3)
6. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(5 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Pashure pekunge hurukuro yeChirangaridzo yapera, pindura mibvunzo yemunhu anofarira auya pamusangano wacho. (lmd chidzidzo 8 pfungwa 3)
Rwiyo 107
7. Zvii Zvaungaita Kuti Unyatsobatsirwa Pazuva Rinokosha Kupfuura Mamwe Ese Pagore?
(15 min.) Kukurukura nevateereri.
Patinopinda Chirangaridzo gore negore tinenge tichiteerera murayiro waJesu uye tichionga chipo chatakapiwa naJehovha cherudzikinuro. (Ru 22:19) Pachiitiko ichi tinoyeuchidzwawo nezvekudiwa kwatinoitwa naJehovha neMwanakomana wake. (VaG 2:20; 1Jo 4:9, 10) Tingaitei kuti tizonyatsobatsirwa neChirangaridzo? Zvii zvatingaita kuti vanhu vanofarira vazobatsirwawo neChirangaridzo?
-
Zuva rega rega, verenga uye fungisisa nezvemavhesi anenge ari paPurogiramu Yekuverenga Bhaibheri yeChirangaridzo
-
Fungisisa nezvechipo cherudzikinuro uye kuti ungaratidza sei kuti unoonga chipo ichi nemararamiro aunoita
-
Ita zvese zvaunogona kuti ukoke vanhu vaunozivana navo, veukama, uye vanhu vemundima yenyu kuhurukuro inokosha uye kuChirangaridzo
-
Gamuchira vaenzi vanenge vauya kuChirangaridzo. Nyemwerera uye vakwazise zvine ushamwari. Kunyange zvazvo uchiisa pfungwa dzako pane vaya vawakakoka, garawo wakagadzirira kugamuchira vaya vakakokwa pamushandirapamwe uye unogona kuvakumbira kuti mugare mese
-
Kana vaenzi vaine mibvunzo, vapindure
-
Gara wakagadzirira kugamuchira vasingachaiti basa vanenge vauya. Vakuru vachange vakagadzirirawo kugamuchira vaya vaimbova Zvapupu zvaJehovha
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Jesu “Akauya Kuzotsvaka Nokuzoponesa Zvakarasika,” mobvunza vateereri kuti:
-
Kubva muvhidhiyo iyi, zvakakosherei kugamuchira zvakanaka vasingachaiti basa vanenge vauya kuChirangaridzo?
8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) lfb chidzidzo 72 ne73

