March 17-23
ZVIREVO 5
Rwiyo 122 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. Tambira Kure Neupombwe
(10 min.)
Zviri nyore kuti munhu ave pamuedzo wekuita upombwe (Zvi 5:3; w00 7/15 29 ¶1)
Kuita upombwe kunoita kuti munhu apedzisire ava kuzvidemba uye asisafare (Zvi 5:4, 5; w00 7/15 29 ¶2)
Tambira kure neupombwe (Zvi 5:8; w00 7/15 29 ¶5)
Hanzvadzi yechiKristu iri kuramba kupa mumwe mukomana nhamba dzefoni
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
-
Zvi 5:9—Nei zvichinzi kuita upombwe “kupa vamwe kukudzwa kwako”? (w00 7/15 29 ¶7)
-
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Zvi 5:1-23 (th chidzidzo 5)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(3 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. Koka munhu ane chitendero chake kuChirangaridzo, uye shandisa jw.org kumuratidza nzvimbo iri pedyo naye ichaitirwa Chirangaridzo. (lmd chidzidzo 6 pfungwa 4)
5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Pamakapedzisira kuonana, munhu wacho akagamuchira pepa rekumukoka kuChirangaridzo uye akaratidza kufarira. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 5)
6. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi
(5 min.) lff chidzidzo 16 pfupiso, kudzokorora, uye edza izvi. Mudzidzi anokubvunza kuti, ‘Jesu akanga akaroora here?’ Muratidze kuti anotsvakurudza sei. (lmd chidzidzo 11 pfungwa 4)
Rwiyo 121
7. Zvamungaita Kuti Murambe Muchifadza Jehovha Pamunenge Muchidanana
(15 min.) Kukurukura nevateereri.
Vanhu pavanonzwa nezveshoko rekuti kudanana vanofunga nezvemukomana nemusikana vava kutaurirana mashoko erudo. Vanhu vanenge vachidanana vanogona kutandara vaine vamwe vanhu, kana kukurukura vachiita zvekutumirana mameseji kana kuti kufonerana. Tinoona nyaya yekudanana sedanho rinokosha rinotorwa nevanhu vanenge vava nepfungwa dzekuroora kana kuroorwa. Ndezvipi zvinofanira kuitwa nevanhu ivavo kuti vasazopedzisira vaita upombwe?—Zvi 22:3.
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Kugadzirira Kupinda Muwanano—Chikamu 1: Ndagadzirira Kufambidzana Nemumwe Munhu Here?—Chidimbu, mobvunza vateereri kuti:
-
Nei munhu asingafaniri kutanga kudanana nemumwe munhu asati agadzirira kuroora kana kuroorwa? (Zvi 13:12; Ru 14:28-30)
-
Zvii zvawafarira pane zvaitwa nevabereki ava kubatsira mwanasikana wavo?
Verengai Zvirevo 28:26, mobvunza vateereri kuti:
-
Zvii zvingaitwa nevanhu vanenge vachidanana kuti vasazopedzisira vaita upombwe?
-
Zvakanakirei kuti vanhu vanenge vachidanana vagare vapanana miganhu pazvinhu zvavachaita pakuratidzana rudo zvakadai sekubatana maoko uye kutsvodana?
Verengai VaEfeso 5:3, 4, mobvunza vateereri kuti:
-
Ndezvipi zvinofanira kungwarirwa nevanhu vanenge vachidanana pavanenge vachitaura pafoni?
8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) bt chits. 24 ¶1-6

