PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU

Purogiramu yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu yaApril 21-​27, 2025

Shona
Purogiramu yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu yaApril 21-​27, 2025
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/202025089/univ/art/202025089_univ_sqr_xl.jpg
mwb25 March pp. 12-13

April 21-27

ZVIREVO 10

April 21-27

Rwiyo 76 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Tingaita Sei Kuti Tinyatsofara Muupenyu?

(10 min.)

Kuti tinyatsofara tinofanira kushanda nesimba kubatsira vamwe kuti vazive Jehovha (Zvi 10:​4, 5; w01 7/15 25 ¶1-3)

Kuva munhu akarurama kunokosha kupfuura kuva nepfuma (Zvi 10:​15, 16; w01 9/15 24 ¶3-4)

Mufaro wechokwadi unobva kuna Jehovha (Zvi 10:22; it-1-E 340)

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Zvi 10:22—Sei zvichinzi kukomborera kwaJehovha ‘hakuuyi nemarwadzo,’ ivo vashumiri vake vachisangana nematambudziko akawanda? (w06 5/15 30 ¶18)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Saimba anokuudza kuti haatendi kuti kuna Mwari. (lmd chidzidzo 4 pfungwa 3)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 4 pfungwa 4)

6. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Ratidza munhu wacho kuti anowana sei nyaya dzaanofarira pajw.org. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 4)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 111

7. Makomborero Api Anoita Kuti Vashumiri vaMwari Vanzi Vakapfuma?

(7 min.) Kukurukura nevateereri.

Makomborero atinopiwa naJehovha mumazuva ano ekupedzisira anotibatsira kuti tifare muupenyu. (Pis 4:3; Zvi 10:22) Verengai mavhesi anotevera. Mozobvunza vateereri kuti, Jehovha anokomborera sei vashumiri vake?

Vamwe vakawedzera ushumiri hwavo uye izvozvo zviri kuita kuti vawedzere kufara.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Vechidiki, Sarudzai Nzira Inoenda Kurugare! mobvunza vateereri kuti:

  • Madzidzei kubva pane zvakaitika kuna Harley, Anjil, naCarlee?

8. Mushumo weDhipatimendi Remapurani Nekuvaka wa2025

(8 min.) Hurukuro. Ratidzai VHIDHIYO.

9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 115 Nemunyengetero