PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU

Jehovha Anotsigira Vanorwara

Shona
Jehovha Anotsigira Vanorwara
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/202016206/univ/art/202016206_univ_sqr_xl.jpg

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 38-44

Jehovha Anotsigira Vanorwara

Jehovha Anotsigira Vanorwara

Vashumiri vaMwari vakatendeka vanogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achavatsigira munguva dzematambudziko

41:1-4

  • Dhavhidhi akarwara zvokufa

  • Dhavhidhi aiva nehanya nevanhu vakaderera

  • Dhavhidhi haana kufunga kuti Jehovha aizoita chishamiso chokumuporesa, asi aivimba kuti aizomunyaradza, aizomupa uchenjeri uye aizomutsigira

  • Jehovha akaona kuti Dhavhidhi aiva munhu akaperera kwaari