Shona
‘Musavhiringa Basa Iroro’
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/202023242/univ/art/202023242_univ_sqr_xl.jpg
mwb23 July p. 2

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

‘Musavhiringa Basa Iroro’

‘Musavhiringa Basa Iroro’

Mupristi Mukuru Jeshua (Joshua) naGavhuna Zerubhabheri vakatungamirira basa rekuvakazve temberi pasinei nekuti rairambidzwa (Ezr 5:1, 2; w22.03 18 ¶13)

Vanhu vaipikisa pavakabvunza kuti ndiani akanga avapa mvumo yekuita basa racho, vaJudha vakavaudza kuti vaongorore murayiro wakanga wapiwa naKoreshi (Ezr 5:3, 17; w86-E 2/1 29, bhokisi ¶2-3)

Mambo akabvumirana nemurayiro wakanga wapiwa naKoreshi uye akaudza vanhu vaipikisa kuti vasavhiringa basa racho (Ezr 6:7, 8; w22.03 15 ¶7)

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Nyaya iyi yemuBhaibheri inotibatsira sei kuti titeerere zvatinenge taudzwa nevari kushandiswa naJehovha kutitungamirira kunyange kana tisinganyatsonzwisisi mirayiridzo yavanotipa?—w22.03 19 ¶16.