PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU

Purogiramu yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu yaJanuary 5-​11, 2026

Shona
Purogiramu yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu yaJanuary 5-​11, 2026
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/202026001/univ/art/202026001_univ_sqr_xl.jpg
mwb26 January pp. 2-16

January 5-11

ISAYA 17-20

January 5-11

Rwiyo 153 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. “Mugove Wevaya Vanotitorera Zvinhu Nechisimba”

(10 min.)

Bhaibheri rinofananidza vanhu negungwa risina kugadzikana (Isa 17:12; w18.06 7 ¶16)

Tinoziva kuti tichabatwa zvisina kunaka nemhaka yekuti hatina divi ratinotsigira pazvinhu zvenyika (Joh 15:​18, 19; w16.04 28 ¶4)

Jehovha ava pedyo kutinunura pavanhu “vanotitorera zvinhu nechisimba” (Isa 17:​13, 14; ip-1 198 ¶20)

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Isa 20:2—Ichokwadi here kuti Isaya akafamba asina kana chaakapfeka kwemakore matatu? (w06 12/1 11 ¶2)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Shandisa imwe yenyaya dziri mumashoko ekuwedzera A ebhurocha raIva Nerudo Nevanhu kukurukura nemunhu ari muwanano. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 3)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 8 pfungwa 4)

6. Hurukuro

(5 min.) lmd mashoko ekuwedzera A pfungwa 14—Musoro: Mwari Anoda Kuti Tinyengetere Kwaari. (th chidzidzo 8)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 148

7. Yeuka Jehovha, Nzvimbo Yako Yekuhwanda

(10 min.) Kukurukura nevateereri.

Jehovha ndiye nhare yedu kana kuti nzvimbo yedu yekuhwanda. (Isa 17:10) Anonunura vaya vanovimba naye. (Pis 144:​1, 2) Dzimwe nguva Jehovha anobvumira kuti shamwari dzake dzisangane nematambudziko, asi chokwadi ndechekuti nguva dzese anodzibatsira kuti dzitsungirire.—1VaK 10:13.

Kuteerera Jehovha ndiyo imwe nzira yatinoratidza nayo kuti tinomuyeuka. Ratidzai VHIDHIYO inonzi Dzidza Kubva Kushamwari dzaJehovha—Hananiya, Mishaeri, naAzariya. Itai kuti vana vamakatosarudza vauye kuchikuva movabvunza mibvunzo inotevera, kana kuti bvunzai vateereri kuti:

  • Jehovha akanunura sei shamwari dzake?—Dha 3:​24-28

  • Hananiya, Mishaeri, naAzariya vakaratidza sei kuti vaiva shamwari dzaJehovha?

  • Ndepapi pazvinombokuomera kuti uteerere Jehovha?

  • Ungaita sei kuti uteerere Jehovha?

8. Wana Nguva Yekudzidza Nezveshamwari dzaJehovha Zuva Rega Rega

(5 min.) Kukurukura nevateereri.

Mavhidhiyo anonzi Dzidza Kubva Kushamwari dzaJehovha akagadzirirwa vana vari kudzidzira kuverenga. Anovadzidzisa nezvevanhu vaida Jehovha. Vhidhiyo imwe neimwe inokurudzira vana kuti ‘vawane nguva yekudzidza nezveshamwari dzaJehovha zuva rega rega.’

  • Ungaitei kuti uwane nguva yekudzidza nezvaJehovha uye shamwari dzake zuva rega rega?

  • Ndivanaani vanotaurwa muBhaibheri vaunoda kudzidza nezvavo, uye nei uchida kudzidza nezvavo?

9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 73 Nemunyengetero