January 12-18
ISAYA 21-23
Rwiyo 120 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. Zvatinodzidza Kubva Pane Zvakaitika Kuna Shebna
(10 min.)
Ramba uchizvininipisa paunopiwa mamwe mabasa musangano (Isa 22:15-19; w18.03 25 ¶7-9)
Kana ukanzi umbomira kuita mamwe mabasa musangano ramba uchiita zvese zvaunogona pakushumira Jehovha (Isa 36:3; w18.03 25 ¶10)
Kana uri mubereki kana kuti mukuru uchifanira kupa munhu chirango, tevedzera zvakaitwa naJehovha paakaranga Shebna (w18.03 26 ¶11)
Kurangwa inzira inoshandiswa naMwari kutiumba
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
-
Isa 21:1—Nei Bhabhironi richinzi “renje regungwa”? (w06 12/1 11 ¶3)
-
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Isa 23:1-14 (th chidzidzo 5)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(1 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Paunenge uchikurukura nemunhu, taura chimwe chinhu chinoita kuti azive kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, asi usina kupinza nyaya yeBhaibheri. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 4)
5. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Shandisa imwe yenyaya dziri mumashoko ekuwedzera A ebhurocha raIva Nerudo Nevanhu. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 3)
6. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(2 min.) PAIMBA NEIMBA. Munhu wacho haana nguva. (lmd chidzidzo 7 pfungwa 4)
7. Hurukuro
(5 min.) ijwyp nyaya 71—Musoro: Ndivanaani Vanoita Zvakanaka Vandinoda Kutevedzera? Ona mufananidzo. (th chidzidzo 9)
Kuva nemunhu anoita zvakanaka waunoda kutevedzera kunogona kukubatsira kuti ukurumidze kuzadzisa zvinangwa zvako
Rwiyo 124
8. Zvemuungano Yenyu
(15 min.)
9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) lfb chidzidzo 52 ne53

