PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU

Jehovha akabatsira hezekiya pamusana pekutenda kwake

Shona
Jehovha akabatsira hezekiya pamusana pekutenda kwake
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/202017008/univ/art/202017008_univ_sqr_xl.jpg

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ISAYA 34-37

Jehovha Akabatsira Hezekiya Pamusana Pekutenda Kwake

Jehovha Akabatsira Hezekiya Pamusana Pekutenda Kwake

Mambo Saniheribhi weAsiriya akatuma Rabhisheki kuJerusarema achida kuti guta iroro ribvume kuita zvaidiwa neAsiriya. Vakataura zvakasiyana-siyana nechinangwa chekuti vaJudha vasarende.

  • Kushaya aizovabatsira. Ijipiti haisi kuzombokubatsirai.—Isa 36:6

  • Kusava nechokwadi. Jehovha haasi kuzokubatsirai nokuti haasi kufara nezvamuri kuita.—Isa 36:7, 10

  • Kutyisidzirwa. Hamufi makakunda mauto eAsiriya.—Isa 36:8, 9

  • Muedzo. Mukabvuma kutongwa nevaAsiriya zvinhu zvichakufambirai zvakanaka.—Isa 36:16, 17

Hezekiya aivimba chaizvo naJehovha

37:1, 2, 14-20, 36

  • Akaita zvaaigona kuti adzivirire guta

  • Akanyengetera kuna Jehovha kuti vabatsirwe uye akaita kuti vanhu vave nekutenda kwakasimba muna Jehovha

  • Jehovha akamubatsira pamusana pekutenda kwake nekutuma ngirozi kuti iuraye masoja eAsiriya 185 000 muusiku humwe chete