PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU

Sungano Inokubatsira

Shona
Sungano Inokubatsira
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/202020043/univ/art/202020043_univ_sqr_xl.jpg
mwb20 February p. 2

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 12-14

Sungano Inokubatsira

Sungano Inokubatsira

12:1-3; 13:14-17

  • Jehovha akaita sungano naAbrahamu inoita kuti Umambo hwekumatenga hunyatsosimbiswa zviri pamutemo.

  • Sungano iyi yakatanga kushanda muna 1943 B.C.E. Abrahamu paakayambuka rwizi rwaYufratesi achienda kuKenani

  • Sungano iyi icharamba ichishanda kusvikira Umambo hwaMesiya hwaparadza vavengi vaMwari hwounza makomborero kumhuri dzese dzepanyika

Jehovha akakomborera Abrahamu nekuti akanga aine kutenda kwakasimba. Kana tikaratidza kutenda mune zvatinovimbiswa naJehovha, makomborero api atichawana kuburikidza nesungano yaAbrahamu?