PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVAKAZARURWA 13-16
Usatya Zvikara Zvinotyisa
Kuziva zvinomiririrwa nezvikara zvinotaurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 13 kunotibatsira kuti tisazvitya kana kuti kuzvitsigira sezvinoitwa nevanhu vakawanda.
Tsvaga kuti chikara chimwe nechimwe chinomiririrei
CHIKARA
Dhiragoni.—Zva 13:1, mashoko emuzasi
Chikara chine nyanga gumi nemisoro minomwe.—Zva 13:1, 2
Chikara chine nyanga mbiri dzakafanana nedzegwayana.—Zva 13:11
Mufananidzo wechikara.—Zva 13:15
ZVACHINOMIRIRIRA
-
Umambo hweBritain neAmerica
-
Sangano Renyika Dzakabatana (League of Nations) uye Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese rakazoritsiva
-
Satani Dhiyabhorosi
-
Hurumende dzese dzevanhu

