KURARAMA KWECHIKRISTU
Chii Chinonzi Rudo Rwechokwadi?
Jehovha anoti wanano mubatanidzwa wemurume nemudzimai uye vanofanira kuramba vari vese. (Ge 2:22-24) Upombwe chete ndihwo hungaita kuti vanhu varambane. (Mar 2:16; Mt 19:9) Sezvo Jehovha achida kuti vanhu vafare muwanano, akatipa mazano anotibatsira kusarudza neuchenjeri munhu wekuroorana naye uye zvatinofanira kuita kuti tizoramba tichifara.—Mup 5:4-6.
ONA VHIDHIYO YAKANZI CHII CHINONZI RUDO RWECHOKWADI?, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:
-
Nemhaka yei kutsiurwa kwakaitwa Lizzy nevabereki vake kwaiva kwakanaka?
-
Nemhaka yei usingafaniri kufunga kuti unogona kuchinja unhu hwemunhu wauri kudanana naye?
-
Hama nahanzvadzi Robert vakabatsira sei Lizzy?
-
Chii chakaita kuti Zach naMagie vatange kunetsana?
-
John naLizzy vaiva nezvinangwa zvipi pakunamata zvakafanana?
-
Usati waroorana nemumwe munhu, nei uchifanira kutanga waziva “munhu akavanzika womwoyo” wake? (1Pe 3:4)
-
Chii chinonzi rudo rwechokwadi? (1VaK 13:4-8)

