PUROGIRAMU YEUSHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU

Iva Neunhu Hunodiwa naMwari​—Kutenda

Shona
Iva Neunhu Hunodiwa naMwari​—Kutenda
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/202017291/univ/art/202017291_univ_sqr_xl.jpg

KURARAMA KWECHIKRISTU

Iva Neunhu Hunodiwa naMwari​—Kutenda

Iva Neunhu Hunodiwa naMwari​—Kutenda

NEI ZVICHIKOSHA?

  • Kuti tinyatsofadza Mwari, tinofanira kunge tiine kutenda.​—VaH 11:6

  • Kutenda zvinhu zvatinovimbiswa naMwari kunotibatsira kuti titsungirire.​—1Pe 1:6, 7

  • Kusava nekutenda kunogona kuita kuti tiite chivi.​—VaH 3:12, 13

MAITIRWO AZVO:

Zvii zvandingaita kuti ndisimbise kutenda kwangu uye kwemhuri yangu?

ONA VHIDHIYO INONZI TEVERA ZVINHU ZVINOITA KUTI UVE AKAVIMBIKA​—KUTENDA, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • “Kutenda kusina unyengeri” kwakaita sei? (1Ti 1:5)

  • Kuti tive nekutenda kwakasimba, zvii zvatisingafaniri kuita?

  • Nei tichifanira kuva nekutenda panguva yekutambudzika kukuru? (VaH 10:39)