Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EKSODHO 31-32

Tizai Kunamata Zvidhori

Tizai Kunamata Zvidhori

32:1, 4-6, 9, 10

Kunamata kwakaita vaIsraeri zvidhori kunogona kunge kwakabva pane zvavaiona zvichiitwa nevaIjipiti. Mazuva ano vanhu vanonamata zvidhori nenzira dzakasiyana-siyana, asi dzimwe dzacho hadzisi nyore kuona. Kunyange zvazvo tingasanamata chidhori chaicho, tinogona kunzi tiri kunamata zvidhori kana tikarega zvido zvenyama zvichititadzisa kushumira Jehovha nemweya wese.

Zvii zvandinoita muupenyu zvinogona kunditadzisa kunyatsoshumira Jehovha, uye ndingaita sei kuti zvisava pekutanga muupenyu hwangu?