Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EKSODHO 37-38

Atari Dzepatebhenekeri Uye Basa Radzo Pakunamata Kwechokwadi

Atari Dzepatebhenekeri Uye Basa Radzo Pakunamata Kwechokwadi

37:25, 29; 38:1

Atari dzepatebhenekeri dzakagadzirwa zvaienderana nemirayiridzo yakanga yapiwa naJehovha uye pane zvinokosha zvadzaimiririra.

  • Jehovha anofadzwa neminyengetero yevashumiri vake vakatendeka, sekufadzwa kwaaiitwa nerusenzi yaipiswa

  • Jehovha aigamuchira zvibayiro zvaipiswa paatari yekupisira zvibayiro. Atari iyi yaiva muchivanze pamberi petebhenekeri uye izvi zvinotiyeuchidza kuti tinofanira kutenda muchibayiro chaJesu kuti tifarirwe naMwari.—Joh 3:16-18; VaH 10:5-10

Tingaita sei kuti minyengetero yedu ive serusenzi pamberi paMwari?—Pis 141:2