Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EKSODHO 35-36

Jehovha Akavabatsira Kuti Vaite Basa

Jehovha Akavabatsira Kuti Vaite Basa

35:25, 26, 30-35; 36:1, 2

Mweya mutsvene waJehovha wakabatsira Bhezareri naOhoriyabhi kuti vakwanise kunyatsogadzira zvinhu zvepatebhenekeri. Mazuva ano Jehovha anogona kushandisawo mweya wake mutsvene kubatsira vashumiri vake. Tingaita sei kuti tiwane mweya wake mutsvene?

  • Tinofanira kunyengetera kuti mweya wake mutsvene utibatsire kuwedzera unyanzvi hwatiinahwo pabasa rake

  • Tinofanira kugara tichidzidza Shoko rake Bhaibheri

  • Tinofanira kushanda nemwoyo wese pabasa rese ratinenge tapiwa

Jehovha anogona kukubatsira kuita mabasa api?