Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EKSODHO 33-34

Unhu Hwakanaka Huna Jehovha

Unhu Hwakanaka Huna Jehovha

34:5-7

Mozisi aiziva zvakaita Jehovha, uye izvozvo zvakamubatsira kuti aratidze mwoyo murefu kuvaIsraeri. Isuwo kana tikanyatsonzwisisa unhu hwaJehovha, zvichatibatsira kuti tinzwire tsitsi vatinonamata navo.

  • “Ngoni netsitsi”: Jehovha anoratidza kuti anoda chaizvo vashumiri vake uye ane hanya navo sezvinongoita vabereki kuvana vavo

  • “Anononoka kutsamwa”: Jehovha anoitira vashumiri vake mwoyo murefu pavanokanganisa, achivapa mukana wekugadzirisa

  • “Azere nerudo rusingachinji”: Jehovha anoda vashumiri vake uye rudo rwake harumboperi

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndingatevedzera sei Jehovha pakuva nengoni uye tsitsi?’