Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Ratidza Rudo Mumhuri

Ratidza Rudo Mumhuri

Rudo runoita kuti mhuri ibatane. Pasina rudo, zvakaoma kuti vari mumhuri vabatane uye vashande pamwe chete. Varume, madzimai, uye vabereki vangaratidza sei rudo mumhuri?

Murume ane rudo anofungawo zvinodiwa nemudzimai wake, maonero ake, uye manzwiro ake. (VaE 5:28, 29) Anoita kuti mhuri yake iwane zvekurarama nazvo uye anoitungamirirawo pakunamata kusanganisira kugara achiitisa Kunamata Kwemhuri. (1Ti 5:8) Mudzimai ane rudo anozviisa pasi pemurume wake uye ‘anomuremekedza zvikuru.’ (VaE 5:22, 33; 1Pe 3:1-6) Vese vari vaviri vanofanira kuregererana nemwoyo wese kana mumwe akakanganisa. (VaE 4:32) Vabereki vane rudo vanoratidza kuti vanoda mwana mumwe nemumwe uye vanovadzidzisa kuti vade Jehovha. (Dhe 6:6, 7; VaE 6:4) Matambudziko api anosangana nevana vavo kuchikoro? Vari kukwanisa here kuramba kufurirwa nevezera ravo? Kana mumhuri muine rudo, vanhu vese vanonzwa vakachengeteka uye vasina chekutya.

ONA VHIDHIYO INONZI RATIDZA RUDO RUSINGAPERI MUMHURI YAKO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Murume ane rudo anopa sei zvekudya mudzimai wake nekumuchengeta?

  • Mudzimai ane rudo anoratidza sei kuti anoremekedza murume wake zvikuru?

  • Vabereki vane rudo vangaramba sei vachidzokorora Shoko raMwari kuvana vavo?