Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KURARAMA KWECHIKRISTU

Usatevedzera Vaya Vasina Kuvimbika

Usatevedzera Vaya Vasina Kuvimbika

Kora, Dhatani, naAbhiramu vakaratidza kusavimbika kuna Jehovha nekupandukira urongwa hwake. Jehovha akaparadza vapanduki vacho nevanhu vese vakavatsigira. (Nu 16:26, 27, 31-33) Zvii zvingaita kuti tive pamuedzo wekutadza kuramba takavimbika kuna Jehovha? Mienzaniso ipi yemuBhaibheri ichatibatsira kuti tisatevedzera vaya vasina kuvimbika?

ONA VHIDHIYO INONZI USATEVEDZERA VANHU VASINA KUVIMBIKA, WOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Nadia akasangana nemuedzo upi, uye muenzaniso upi wakashata wakamubatsira kuti arambe akavimbika?

  • Imwe hama yainge yakaora mwoyo yakasangana nemuedzo upi, uye muenzaniso upi wakashata wakaibatsira kuti irambe yakavimbika?

  • Terrance akasangana nemuedzo upi, uye muenzaniso upi wakashata wakamubatsira kuti arambe akavimbika?

  • Imwe hama yakasangana nemuedzo upi kuchikoro, uye muenzaniso upi wakashata wakaibatsira kuti irambe yakavimbika?