Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Nei Tisingafaniri Kugara Tichingonyunyuta?

Nei Tisingafaniri Kugara Tichingonyunyuta?

Kugara tichingonyunyuta kunogumbura Jehovha (Nu 11:1; w01 6/15 17 ¶20)

Katsika kekungonyunyuta kanoratidza makaro uye kusatenda zvaunenge waitirwa (Nu 11:4-6; w06 7/15 15 ¶7)

Kugara tichingonyunyuta kunoita kuti vamwe vaore mwoyo (Nu 11:10-15; it-2-E 719 ¶4)

Kunyange zvazvo vaIsraeri vaisangana nematambudziko akawanda pavaiva murenje, vaiva nezvikonzero zvakawanda zvekutenda Jehovha. Kana tikagara tichifunga zvinhu zvakanaka zvatakaitirwa naJehovha, hatizovi vanhu vanongonyunyuta.