Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI

Wedzera Mufaro Wako Muushumiri—Shandisa Shoko raMwari

Wedzera Mufaro Wako Muushumiri—Shandisa Shoko raMwari

Shoko raMwari rine simba! (VaH 4:12) Rinogona kubaya mwoyo yevaya vasingazivi Mwari. (1VaT 1:9; 2:13) Tinofara chaizvo kana mumwe munhu akaratidza kuti ari kukoshesa chokwadi cheBhaibheri chatinenge tamuratidza.

ONA VHIDHIYO INONZI WANA MUFARO PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI—VANDUDZA UNYANZVI HWAKO—KUITA KUTI SHOKO RAMWARI RIBUDISE SIMBA RARO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Neeta akataura mashoko api kuna Jade akabatsira kuti Shoko raMwari ribudise simba raro?

  • Neeta akaita sei kuti Shoko raMwari ribudise simba raro paakaita kuti vhesi yaaida kushandisa iverengwe zvinonzwika uye nekukurukura pfungwa inokosha iri pavhesi yacho?

  • Chii chinoratidza kuti Jade akabayiwa mwoyo nevhesi yaakaverenga uye unofunga kuti zvakaita kuti Neeta anzwe sei?