Vatongi 11:1-40

  • Mutongi Jefta anodzingwa, asi anozoitwa mutungamiriri (1-11)

  • Jefta anoedza kutaurirana nevaAmoni (12-28)

  • Mhiko yaJefta nemwanasikana wake (29-40)

    • Mwanasikana wake anorarama asina kuroorwa (38-40)

11  Zvino Jefta+ muGiriyedhi aiva murwi ane simba; aiva mwanakomana wepfambi, uye Giriyedhi ndiye aiva baba vake.  Asi mudzimai waGiriyedhi akamuberekerawo vanakomana. Vanakomana vemudzimai wake pavakakura, vakadzinga Jefta, vakati kwaari: “Hauzovi nenhaka muimba yababa vedu, nekuti uri mwanakomana wemumwe mukadzi.”  Saka Jefta akatiza vanakomana vababa vake, akanogara munyika yeTobhu. Varume vaiva vasina zvekuita vakabatana naJefta, vakamutevera.  Nekufamba kwenguva, vaAmoni vakarwisa vaIsraeri.+  VaAmoni pavakarwisa vaIsraeri, vakuru veGiriyedhi vakabva vangoenda kunotora Jefta kuti adzoke kubva kunyika yeTobhu.  Vakati kuna Jefta: “Uya uve mutungamiriri wedu, kuti tirwe nevaAmoni.”  Asi Jefta akati kuvakuru veGiriyedhi: “Hamusi imi here maindivenga chaizvo zvekuti makandidzinga muimba yababa vangu?+ Mauyirei kwandiri iye zvino zvamava mudambudziko?”  Vakuru veGiriyedhi vakabva vati kuna Jefta: “Ndokusaka tadzoka kwauri. Kana ukaenda nesu kunorwa nevaAmoni, uchabva wava mutungamiriri wedu pavagari vese vemuGiriyedhi.”+  Saka Jefta akati kuvakuru veGiriyedhi: “Kana mukandidzosa kuti ndizorwa nevaAmoni, Jehovha oita kuti ndivakunde, ndichabva ndava mutungamiriri wenyu!” 10  Vakuru veGiriyedhi vakati kuna Jefta: “Jehovha ngaave chapupu* pakati pedu kana tikasaita zvawataura.” 11  Saka Jefta akaenda nevakuru veGiriyedhi, uye vanhu vakamuita mutungamiriri uye mukuru wavo. Jefta akadzokorora mashoko ake ese pamberi paJehovha muMizpa.+ 12  Jefta akabva atuma nhume kuna mambo wevaAmoni,+ achiti: “Chii chandakakutadzira* zvawauya kuzorwisa nyika yangu?” 13  Mambo wevaAmoni akati kunhume dzaJefta: “Nekuti vaIsraeri vakatora nyika yangu pavakabuda muIjipiti,+ kubvira kuAnoni+ kusvika kuJabhoki uye kusvika kuJodhani.+ Idzosei murugare.” 14  Asi Jefta akatumazve nhume kuna mambo wevaAmoni 15  kuti dzinoti kwaari: “Zvanzi naJefta: ‘VaIsraeri havana kutora nyika yevaMoabhi+ nenyika yevaAmoni,+ 16  nekuti pavakabuda muIjipiti, vaIsraeri vakafamba nemurenje kusvika kuGungwa Dzvuku,+ vakazosvika kuKadheshi.+ 17  VaIsraeri vakabva vatuma nhume kuna mambo weEdhomu,+ vachiti: “Tinokumbirawo kupfuura nemunyika yenyu,” asi mambo weEdhomu haana kumbozviteerera. Vakatumirawo shoko kuna mambo weMoabhi,+ asi haana kubvuma. Saka vaIsraeri vakaramba vachigara muKadheshi.+ 18  Pavakafamba nemurenje, vakanyenyeredza nyika yeEdhomu+ nenyika yeMoabhi. Vakaenda vari kumabvazuva kwenyika yeMoabhi+ vakadzika musasa munharaunda yeAnoni; havana kupinda munyika yeMoabhi,+ nekuti Anoni ndiyo yaiva muganhu weMoabhi. 19  “‘Pashure paizvozvo vaIsraeri vakatuma nhume kuna Sihoni mambo wevaAmori, aitonga muHeshbhoni, uye vaIsraeri vakati kwaari: “Tinokumbirawo kupfuura nemunyika yenyu kuti tiende kunyika yedu.”+ 20  Asi Sihoni haana kuvimba nevaIsraeri kuti avarege vachipfuura nemunyika yake, saka Sihoni akaunganidza vanhu vake vese, akadzika musasa muJahazi, akarwa nevaIsraeri.+ 21  Jehovha Mwari waIsraeri akabva aisa Sihoni nevanhu vake vese mumaoko evaIsraeri, zvekuti vaIsraeri vakavakunda vakatora nyika yese yevaAmori vaigara munyika iyoyo.+ 22  Saka vakatora nyika yese yevaAmori kubva kuAnoni kusvika kuJabhoki uye kubva kurenje kusvika kuJodhani.+ 23  “‘Jehovha Mwari waIsraeri ndiye akadzinga vaAmori pamberi pevanhu vake vaIsraeri,+ saka iwe ungavadzinga here? 24  Iwe hautori zvaunopiwa namwari wako Kemoshi+ here? Isuwo tichadzinga munhu wese anenge adzingwa naJehovha Mwari wedu pamberi pedu.+ 25  Iwe ungapfuura Bharaki+ mwanakomana waZipori, mambo weMoabhi here? Akamboita nharo nevaIsraeri, kana kumborwa navo here? 26  Israeri paaigara muHeshbhoni nemaguta madiki+ akaipoteredza nemuAroeri nemaguta madiki akaipoteredza nemumaguta ese ari pamahombekombe eAnoni kwemakore 300, nei musina kumbobvira maedza kuatora panguva iyoyo kuti ave enyu zvakare?+ 27  Ini handina chandakakutadzira, asi iwe uri kuita zvakaipa pauri kundirwisa. Jehovha iye Mutongi+ ngaatonge nhasi pakati pevaIsraeri nevaAmoni.’” 28  Asi mambo wevaAmoni haana kuda kuteerera shoko raJefta raakamutumira. 29  Mweya waJehovha wakauya pana Jefta,+ akapfuura nemuGiriyedhi nekwaManase achienda kuMizpe yeGiriyedhi,+ uye akabva ikoko akapfuurira kuenda kuvaAmoni. 30  Jefta akabva aita mhiko+ kuna Jehovha achiti: “Kana mukaisa vaAmoni muruoko rwangu, 31  chero munhu anobuda mumba mangu ouya kuzondigamuchira pandinodzoka nerugare ndichibva kuvaAmoni, achava waJehovha,+ uye ndichapa munhu iyeye sechibayiro chinopiswa.”+ 32  Saka Jefta akaenda kunorwa nevaAmoni, uye Jehovha akavaisa muruoko rwake. 33  Akauraya vanhu vakawanda chaizvo kubva kuAroeri kusvika kuMiniti, maguta 20, uye kusvika kuAbheri-keramimu. Saka vaAmoni vakakundwa nevaIsraeri. 34  Jefta akazosvika kumba kwake kuMizpa,+ uye mwanasikana wake ndiye akabva auya kuzomugamuchira, achiridza tambureni achitamba! Zvino ndiye aingova mwana wake mumwe chete. Kunze kwake, aiva asina mumwe mwanasikana kana mwanakomana. 35  Paakamuona, akabvarura nguo dzake akati: “Maiwee, mwanasikana wangu kani! Warwadzisa mwoyo wangu,* nekuti ndiwe munhu wandadzinga. Zvino ini ndashama muromo wangu kuna Jehovha, uye handichakwanisi kuchinja.”+ 36  Asi akati kwavari: “Baba vangu, kana mashama muromo wenyu kuna Jehovha, ndiitirei sezvamavimbisa,+ sezvo Jehovha atsiva vavengi venyu, vaAmoni.” 37  Akabva ati kuna baba vake: “Ndinongova nechikumbiro ichi: Ndibvumirei kuva ndega kwemwedzi miviri, uye ndibvumirei kuenda kumakomo, uye regai ndicheme umhandara hwangu, ini nevasikana vandinoshamwaridzana navo.”* 38  Ivo vakabva vati: “Enda hako.” Saka vakamurega kuti aende kwemwedzi miviri, uye akaenda kumakomo neshamwari dzake kuti anochema umhandara hwake. 39  Pakapera mwedzi miviri, akadzokera kuna baba vake, vachibva vazadzisa mhiko yavakanga vaita nezvake.+ Mwanasikana wacho haana kumborara nemurume. Uye kubva ipapo muIsraeri makanga mava kugara muchiitwa zvinotevera: 40  Gore negore, vasikana vemuIsraeri vaienda kunorumbidza mwanasikana waJefta muGiriyedhi, mazuva mana pagore.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “iye anonzwa.”
ChiHeb., “Chii kwandiri nekwauri?”
ChiHeb., “Wandidzikisa pasi chaizvo.”
Kana kuti “regai ndinochema neshamwari dzangu nekuti handichazomboroorwi.”