Rwiyo rwaSoromoni 5:1-16

  • Mufudzi (1a)

  • Vakadzi veJerusarema (1b)

    • ‘Dhakwai nekuratidzana rudo!’

  • Musikana (2-8)

    • Anorondedzera hope dzake

  • Vanasikana veJerusarema (9)

    • ‘Mudiwa wako anopfuura vamwe pakudii?’

  • Musikana (10-16)

    • “Anopfuura vane zviuru gumi” (10)

5  “Ndapinda mumunda mangu,+Hanzvadzi yangu, mwenga wangu. Ndatemha mura yangu nezvinonhuhwirira zvangu.+ Ndadya zinga rangu reuchi neuchi hwangu;Ndanwa waini yangu nemukaka wangu.”+ “Idyai, shamwari dzangu! Inwai mudhakwe nekuratidzana rudo kwamuri kuita!”+   “Ndakarara, asi mwoyo wangu wakamuka.+ Ndiri kunzwa mudiwa wangu achigogodza!” ‘Ndivhurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu,Njiva yangu, asina panoshoreka! Nekuti musoro wangu wakatota nedova,Bvudzi rangu rakatota nemvura inodonha usiku.’+   Ndabvisa nguo yangu. Ndoipfekazve here? Ndageza tsoka dzangu. Ndodzisvibisazve here?   Mudiwa wangu akabvisa ruoko rwake paburi resuo,Ndikatanga kunzwa kumuda.   Ndakamuka kuti ndivhurire mudiwa wangu;Maoko angu aidonha mura,Uye minwe yangu yaidonha mura yakaita mvura mvura,Ndikabata chekuvhurisa suo.   Ndakavhurira mudiwa wangu,Asi mudiwa wangu akanga atoenda, asisipo. Ndakapera simba* paakaenda.* Ndakamutsvaga, asi handina kumuwana.+ Ndakamushevedza, asi haana kundipindura.   Varindi vaitenderera muguta vakandiwana. Vakandirova, vakandikuvadza. Varindi vemasvingo vakanditorera chari yangu.*   Ndinoita kuti mupike imi vanasikana veJerusarema: Kana mukaona mudiwa wangu,Muudzei kuti ndiri kurwara nerudo.”   “Mudiwa wako anopfuura vamwe vadiwa pakudii,Nhai iwe mukadzi akanaka kupfuura vamwe vese? Mudiwa wako anopfuura vamwe vadiwa pakudii,Zvekuti ungaita kuti tipike mhiko yakadai?” 10  “Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku;Anopfuura vane zviuru gumi. 11  Musoro wake igoridhe, goridhe rakanatswa. Bvudzi rake rakaita semashizha emichindwe ari kuzununguswa,*Idema segunguo. 12  Maziso ake akaita senjiva dziri pedyo nehova dzemvura,Dziri kugeza mumukaka,Dzakagara pedyo nedziva riri kufashukira.* 13  Matama ake akaita semuhomba wezvinonhuhwirira,+Semihomba yakakwirira yemakwenzi anonhuhwirira. Miromo yake yakaita semaruva, ichidonha mura yakaita mvura mvura.+ 14  Maoko ake akaita sepombi dzegoridhe, dzakaiswa dombo rekrisoriti. Dumbu rake rakaita serakagadzirwa nenyanga dzenzou dzakakwenenzverwa dzikaiswa matombo esafaya pamusoro. 15  Makumbo ake akaita sembiru dzedombo remabhura dzakaiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa. Chimiro chake chakaita seRebhanoni, semisidhari, zvekuti hapana anomupfuura.+ 16  Muromo wake* kutapira kwega kwega,Uye zvese zvaari zvakanaka.+ Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye wandinoda, imi vanasikana veJerusarema.”

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “Mweya wangu wakabuda paakataura.”
Kana kuti “Mweya wangu wakabuda.”
Kana kuti “jira rangu rekuzvifukidza.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “semichero yemichindwe.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nekumucheto kwezvitubu.”
ChiHeb., “Mukanwa make.”