Numeri 34:1-29
34 Uye Jehovha akataurazve naMozisi, achiti:
2 “Udza vaIsraeri kuti: ‘Pamuchapinda munyika yeKenani,+ iyi ndiyo nyika yamuchawana kuti ive nhaka yenyu, nyika yeKenani maererano nemiganhu yayo.+
3 “‘Muganhu wenyu wekumaodzanyemba uchatangira kurenje reZini uchitevedza Edhomu, uye muganhu wenyu wekumaodzanyemba nechekumabvazuva uchatangira kunogumira Gungwa reMunyu.*+
4 Muganhu wenyu uchachinja kwawakananga uchipfuura nekumaodzanyemba kwemukwidza weAkrabhimu+ wopfuurira kuZini, uye uchagumira kumaodzanyemba kweKadheshi-bhaneya.+ Unozopfuurira kuHazari-adhari+ wosvika kuAzmoni.
5 Muganhu uchachinja kwawakananga paAzmoni wonanga kuRwizi* rweIjipiti, uchigumira kuGungwa.*+
6 “‘Muganhu wenyu wekumavirira uchava mahombokombe eGungwa Guru.* Uyu ndiwo uchava muganhu wenyu wekumavirira.+
7 “‘Muganhu wenyu wekuchamhembe uchava uyu: Muchatara muganhu wenyu kubvira kuGungwa Guru kusvikira kuGomo reHori.
8 Kubva kuGomo reHori muchatara muganhu wacho kusvikira kuRebhohamati,*+ uye muganhu wacho uchagumira kuZedhadhi.+
9 Uye muganhu wacho uchapfuurira kuZifroni, uchigumira kuHazari-enani.+ Uyu ndiwo uchava muganhu wenyu wekuchamhembe.
10 “‘Munofanira kubva matara muganhu wenyu wekumabvazuva kubvira kuHazari-enani kusvikira kuShefamu.
11 Muganhu wacho uchapfuurira uchibva kuShefamu uchienda kuRibra kumabvazuva kweAini, uye muganhu wacho uchadzika uchiyambuka materu ekumabvazuva eGungwa reKinereti.*+
12 Muganhu wacho uchadzika kuJodhani, uchigumira kuGungwa reMunyu.+ Iyi ndiyo ichava nyika yenyu+ nemiganhu yayo yakaipoteredza.’”
13 Saka Mozisi akarayira vaIsraeri achiti: “Iyi ndiyo nyika yamuchagovana senhaka yenyu muchishandisa mujenya,+ sezvakarayirwa naJehovha kuti ipiwe madzinza 9, nehafu yerimwe dzinza.
14 Nekuti dzinza revaRubheni maererano neimba yemadzibaba avo, nedzinza revaGadhi maererano neimba yemadzibaba avo, nehafu yedzinza raManase vakatowana nhaka yavo.+
15 Madzinza maviri nehafu akatowana nhaka yawo kunharaunda iri mhiri kwaJodhani pedyo neJeriko, kumabvazuva.”+
16 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti:
17 “Aya ndiwo mazita evarume vachakuisirai miganhu munyika yacho kuti mugare mairi: mupristi Eriyezari+ naJoshua+ mwanakomana waNuni.
18 Uye muchatora jinda rimwe chete padzinza rimwe nerimwe kuti vaganhure-ganhure nyika kuti ive nhaka yenyu.+
19 Aya ndiwo mazita evarume vacho: wedzinza raJudha,+ Karebhi+ mwanakomana waJefune;
20 wedzinza revanakomana vaSimiyoni,+ Shemueri mwanakomana waAmihudhi;
21 wedzinza raBhenjamini,+ Eridhadhi mwanakomana waKisroni;
22 wedzinza revanakomana vaDhani,+ jinda rinonzi Bhuki mwanakomana waJogri;
23 vevanakomana vaJosefa,+ kubva kudzinza revanakomana vaManase,+ jinda rinonzi Hanieri mwanakomana waEfodhi;
24 kubva kudzinza revanakomana vaEfremu,+ jinda rinonzi Kemueri mwanakomana waShiftani;
25 wedzinza revanakomana vaZebhuroni,+ jinda rinonzi Erizafani mwanakomana waPanaki;
26 wedzinza revanakomana vaIsakari,+ jinda rinonzi Paritieri mwanakomana waAzani;
27 wedzinza revanakomana vaAsheri,+ jinda rinonzi Ahihudhi mwanakomana waSheromi;
28 wedzinza revanakomana vaNaftari,+ jinda rinonzi Pedhaheri, mwanakomana waAmihudhi.”
29 Ava ndivo vakarayirwa naJehovha kuti vagovanise vaIsraeri nyika yeKenani.+
Mashoko Emuzasi
^ Kureva, Gungwa Rakafa.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”
^ Kureva, Gungwa Guru, Medhitereniyeni.
^ Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.
^ Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”
^ Kureva, Gungwa reGenesareti, kana kuti Gungwa reGarireya.