Numeri 23:1-30

  • Chirevo chaBharami chekutanga (1-12)

  • Chirevo chaBharami chechipiri (13-30)

23  Bharami akabva ati kuna Bharaki: “Vaka atari nomwe panzvimbo iyi,+ uye ndigadzirire mikono minomwe yemombe nemakondohwe manomwe.” 2  Bharaki akabva angoita zvakanga zvataurwa naBharami. Uye Bharaki naBharami vakabayira mukono mumwe chete wemombe negondohwe rimwe chete paatari imwe neimwe.+ 3  Bharami akabva ati kuna Bharaki: “Sara pano, pedyo nechibayiro chako chinopiswa, ini ndiende. Zvimwe Jehovha achataura neni. Chero zvaanenge andiratidza, ndichakuudza.” Saka akaenda kuchikomo chakanga chisina chinhu. 4  Mwari akabva ataura naBharami,+ uyo akabva ati kwaari: “Ndagadzira atari nomwe mumitsara, ndikabayira mukono mumwe chete wemombe negondohwe rimwe chete paatari imwe neimwe.” 5  Jehovha akaisa shoko iri mumuromo maBharami:+ “Dzokera kuna Bharaki, uye izvi ndizvo zvaunofanira kutaura.” 6  Saka akadzokera uye akaona kuti Bharaki nemachinda ese eMoabhi vakanga vakamira pedyo nechibayiro chake chinopiswa. 7  Akabva ataura chirevo ichi achiti:+ “Bharaki mambo weMoabhi akanditora kubva kuAramu,+Kubva kumakomo ekumabvazuva: ‘Uya unditukire Jakobho. Chokwadi, uya utsoropodze Israeri.’+  8  Ndingatuka sei vaya vasina kutukwa naMwari? Uye ndingatsoropodza sei vaya vasina kutsoropodzwa naJehovha?+  9  Ndinovaona ndiri pamusoro pematombo,Uye ndinovaona ndiri pazvikomo. Serudzi, vanogara ikoko vari vega;+Havazviverengere pakati pemamwe marudzi.+ 10  Ndiani anogona kuverenga guruva raJakobho+Kana kuverenga kunyange chikamu chimwe chete pazvikamu zvina zvaIsraeri? Regai ndife zvangu* sekufa kunoita vakarurama,Uye kuguma kwangu ngakufanane nekwavo.” 11  Bharaki akabva ati kuna Bharami: “Chii ichi chawandiitira? Ndakakutora kuti utuke vavengi vangu, asi watovakomborera zvako.”+ 12  Akapindura kuti: “Ndorega here kutaura zvinenge zvaiswa mumuromo mangu naJehovha?”+ 13  Bharaki akati kwaari: “Uya tiende kune imwe nzvimbo paunogona kuvaona uri. Uchangoona vamwe vacho; hauzovaoni vese. Unditukire vanhu ivavo uri ipapo.”+ 14  Saka akaenda naye kusango reZofimu, pamusoro pePisga,+ akavaka atari nomwe uye akabayira mukono mumwe chete wemombe negondohwe rimwe chete paatari imwe neimwe.+ 15  Saka Bharami akati kuna Bharaki: “Sara pano, pedyo nechibayiro chako chinopiswa, pandiri kumbonotaura naye ndiri uko.” 16  Uye Jehovha akataura naBharami, akaisa shoko iri mumuromo make:+ “Dzokera kuna Bharaki, uye izvi ndizvo zvaunofanira kutaura.” 17  Saka akasvika kwaaiva, akaona kuti akanga akamumirira ari pedyo nechibayiro chake chinopiswa, uye aiva nemachinda eMoabhi. Bharaki akamubvunza kuti: “Jehovha ati chii?” 18  Akabva ataura chirevo ichi achiti:+ “Simuka, Bharaki, uteerere. Ndinzwe, haiwa iwe mwanakomana waZipori. 19  Mwari haasi munhuwo zvake anotaura nhema,+Uye haana kufanana nemwanakomana wemunhu anochinja pfungwa.*+ Kana akataura chimwe chinhu, angarega kuchiita here? Kana akataura, anotadza kuzvizadzisa here?+ 20  Ona! Ndakatorwa kuti ndikomborere;Iye zvino akomborera,+ uye handigoni kuzvichinja.+ 21  Haadi kuona Jakobho achiitirwa zveuroyi,Uye haaregi Israeri achisangana nematambudziko. Jehovha Mwari wake anavo,+Uye anorumbidzwa chaizvo samambo pakati pavo. 22  Mwari ari kuvabudisa muIjipiti.+ Akaita senyanga dzenzombe yemusango kwavari.+ 23  Nekuti Jakobho haazoshurudzirwi,+Uye hakuna kana kushopera kungaitirwa kukuvadza Israeri.+ Panguva ino zvinogona kunzi nezvaJakobho naIsraeri: ‘Onai zvaitwa naMwari!’ 24  Rudzi urwu ruchasimuka seshumba,Uye ruchasimuka rwega seshumba.+ Haisi kuzorara pasi kusvikira yadya mhuka yayabataUye yanwa ropa remhuka dzayauraya.” 25  Bharaki akabva ati kuna Bharami: “Kana usingagoni kumutuka, saka chiregawo kumukomborera.” 26  Bharami akapindura Bharaki achiti: “Handina kukuudza here kuti, ‘Ndichaita zvese zvinenge zvataurwa naJehovha’?”+ 27  Bharaki akati kuna Bharami: “Ndapota, uya ndikuendese kune imwezve nzvimbo. Zvimwe zvichange zvakarurama kuna Mwari wechokwadi kuti unditukire Israeri uri ipapo.”+ 28  Saka Bharaki akaenda naBharami pamusoro pePeori, pakatarisana neJeshimoni.*+ 29  Bharami akabva ati kuna Bharaki: “Vaka atari nomwe panzvimbo iyi, uye ndigadzirire mikono minomwe yemombe nemakondohwe manomwe.”+ 30  Saka Bharaki akaita zvakanga zvataurwa naBharami, uye akabayira mukono mumwe chete wemombe negondohwe rimwe chete paatari imwe neimwe.

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “Regai mweya wangu ufe.”
^ Kana kuti “anozvidemba.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “negwenga; nerenje.”