Numeri 2:1-34
2 Jehovha akazotaura naMozisi naAroni, achiti:
2 “VaIsraeri vanofanira kudzika misasa yavo kunenge kwakagoverwa mapoka avo emadzinza matatu,+ murume mumwe nemumwe pedyo nechiratidzo cheimba yemadzibaba ake. Vanofanira kudzika misasa yavo yakatarisa tende rekusanganira, vakaritenderedza.
3 “Vaya vachadzika musasa nechekumabvazuva, vachava boka remadzinza matatu remusasa waJudha maererano nezvikwata zvavo;* jinda revanakomana vaJudha ndiNashoni+ mwanakomana waAminadhabhi.
4 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 74 600.+
5 Vedzinza raIsakari ndivo vachadzika musasa pedyo naye; jinda revanakomana vaIsakari ndiNetaneri+ mwanakomana waZuari.
6 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 54 400.+
7 Dzinza rinozotevera nderaZebhuroni; jinda revanakomana vaZebhuroni ndiEriyabhi+ mwanakomana waHeroni.
8 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 57 400.+
9 “Vese vakanyorwa muuto remusasa waJudha vanosvika 186 400. Ndivo vanofanira kutanga kuputsa musasa.+
10 “Boka remadzinza matatu remusasa waRubheni+ richava nechekumaodzanyemba maererano nezvikwata zvavo;* jinda revanakomana vaRubheni ndiErizuri+ mwanakomana waShedheuri.
11 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 46 500.+
12 Vedzinza raSimiyoni ndivo vachadzika musasa pedyo naye; jinda revanakomana vaSimiyoni ndiSherumieri+ mwanakomana waZurishadhai.
13 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 59 300.+
14 Dzinza rinozotevera nderaGadhi; jinda revanakomana vaGadhi ndiEriyasafi+ mwanakomana waReueri.
15 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 45 650.+
16 “Vese vakanyorwa muuto remusasa waRubheni vanosvika 151 450, uye ndivo vanofanira kuva vechipiri kuputsa musasa.+
17 “Panotamiswa tende rekusanganira,+ musasa wevaRevhi unofanira kuva nechepakati pemimwe misasa.
“Vanofanira kufamba vakarongwa semagariro avanoita mumisasa,+ mumwe nemumwe ari panzvimbo yake, maererano nemapoka avo emadzinza matatu.
18 “Boka remadzinza matatu remusasa waEfremu richava nechekumavirira maererano nezvikwata zvavo;* jinda revanakomana vaEfremu ndiErishama+ mwanakomana waAmihudhi.
19 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 40 500.+
20 Dzinza rinozomutevera nderaManase;+ jinda revanakomana vaManase ndiGamarieri+ mwanakomana waPedhazuri.
21 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 32 200.+
22 Dzinza rinozotevera nderaBhenjamini; jinda revanakomana vaBhenjamini ndiAbhidhani+ mwanakomana waGidhiyonai.
23 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 35 400.+
24 “Vese vakanyorwa muuto remusasa waEfremu vanosvika 108 100, uye ndivo vanofanira kuva vechitatu kuputsa musasa.+
25 “Boka remadzinza matatu remusasa waDhani richava nechekuchamhembe maererano nezvikwata zvavo;* uye jinda revanakomana vaDhani ndiAhiezeri+ mwanakomana waAmishadhai.
26 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 62 700.+
27 Vedzinza raAsheri ndivo vachadzika musasa pedyo naye; jinda revanakomana vaAsheri ndiPagieri+ mwanakomana waOkrani.
28 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 41 500.+
29 Dzinza rinozotevera nderaNaftari; jinda revanakomana vaNaftari ndiAhira+ mwanakomana waEnani.
30 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 53 400.+
31 “Vese vakanyorwa muuto remusasa waDhani vanosvika 157 600. Ndivo vanofanira kupedzisira kuputsa musasa,+ maererano neboka ravo remadzinza matatu.”
32 Ava ndivo vaIsraeri vakaverengwa maererano nedzimba dzemadzibaba avo; vese vaiva mumisasa vakanyorwa kuti vave mauto vaiva 603 550.+
33 Asi vaRevhi havana kunyorwa+ pamwe nevamwe vaIsraeri,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
34 VaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Izvi ndizvo zvavaiita pavaidzika misasa yavo maererano nemapoka avo emadzinza matatu+ uye pavaiputsa musasa,+ mumwe nemumwe nemhuri yake uye maererano neimba yemadzibaba ake.
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “nemauto avo.”
^ ChiHeb., “nemauto avo.”
^ ChiHeb., “nemauto avo.”
^ ChiHeb., “nemauto avo.”