Numeri 10:1-36
10 Jehovha akabva ati kuna Mozisi:
2 “Zvigadzirire mabhosvo+ maviri; agadzire nesirivha uchishandisa sando, woashandisa pakuunganidza ungano nepakuputsa misasa.
3 Kana akaridzwa ese ari maviri, ungano yese inofanira kudanwa kuti iuye kwauri pasuo retende rekusanganira.+
4 Kana pakaridzwa rimwe chete, machinda, kureva vakuru vezviuru zvevaIsraeri, ndiwo chete anofanira kuuya kwauri.+
5 “Kana mukaridza mabhosvo muchikwidza nekuderedza, vaya vane misasa iri kumabvazuva+ vanofanira kusimuka.
6 Pamunoridza mabhosvo kechipiri muchikwidza nekuderedza, vaya vane misasa iri kumaodzanyemba+ vanofanira kusimuka. Mabhosvo anofanira kuridzwa seizvi pese panosimuka musasa mumwe nemumwe.
7 “Pamunenge muchida kuti ungano yese iungane pamwe chete, munofanira kuridza mabhosvo+ asi musingakwidzi nekuderedza.
8 Vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kuridza mabhosvo,+ uye uyu ucharamba uri murau kwamuri kwezvizvarwa zvenyu zvese.
9 “Kana muchifanira kuenda kuhondo munyika yenyu muchinorwisana nemudzvinyiriri anenge achikutambudzai, munofanira kudaidza vanhu kuhondo muchishandisa mabhosvo,+ uye muchayeukwa naJehovha Mwari wenyu, moponeswa pavavengi venyu.
10 “Uyewo panguva dzenyu dzekufara,+ pamitambo+ yenyu uye panotanga mwedzi yenyu, munofanira kuridza mabhosvo pamusoro pemipiro yenyu inopiswa+ nezvibayiro zvenyu zverugare;+ achava sechiyeuchidzo kwamuri pamberi paMwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”+
11 Kuzoti mugore rechipiri, mumwedzi wechipiri, pazuva rechi20 remwedzi wacho,+ gore rakasimuka kubva pamusoro petebhenekeri+ yeChipupuriro.
12 Saka vaIsraeri vakatanga kusimuka kubva murenje reSinai vachitevedzana maererano nemarongerwo avo pakutama,+ uye gore racho rakanomira murenje reParani.+
13 Aka ndiko kaiva kekutanga kutama vachitevedzera zvakarayirwa Mozisi naJehovha.+
14 Saka boka remadzinza matatu remusasa wevanakomana vaJudha rakatanga kutama maererano nezvikwata zvaro,* uye Nashoni+ mwanakomana waAminadhabhi ndiye aitungamirira boka racho.
15 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaIsakari ndiNetaneri+ mwanakomana waZuari.
16 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaZebhuroni ndiEriyabhi+ mwanakomana waHeroni.
17 Tebhenekeri payakaputswa,+ vanakomana vaGeshoni+ nevanakomana vaMerari,+ vatakuri vetebhenekeri, vakasimuka.
18 Boka remadzinza matatu remusasa waRubheni rakabva ratama maererano nezvikwata zvaro,* uye Erizuri+ mwanakomana waShedheuri ndiye aitungamirira boka racho.
19 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaSimiyoni ndiSherumieri+ mwanakomana waZurishadhai.
20 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaGadhi ndiEriyasafi+ mwanakomana waDheueri.
21 VaKohati, vatakuri vezvinhu zvemunzvimbo tsvene,+ vakabva vasimuka. Tebhenekeri yaifanira kunge yamiswa pavaizosvika.
22 Boka remadzinza matatu remusasa wevanakomana vaEfremu rakabva ratama maererano nezvikwata zvaro,* uye Erishama+ mwanakomana waAmihudhi ndiye aitungamirira boka racho.
23 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaManase ndiGamarieri+ mwanakomana waPedhazuri.
24 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaBenjamini ndiAbhidhani+ mwanakomana waGidhiyonai.
25 Boka remadzinza matatu remusasa wevanakomana vaDhani rakabva ratama maererano nezvikwata zvaro,* riri kumashure kwemapoka acho ese, uye Ahiezeri+ mwanakomana waAmishadhai ndiye aitungamirira boka racho.
26 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaAsheri ndiPagieri+ mwanakomana waOkrani.
27 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaNaftari ndiAhira+ mwanakomana waEnani.
28 Aya ndiwo masimukiro aiita vaIsraeri nemapoka* avo pavaitama.+
29 Mozisi akabva ati kuna Hobhabhu mwanakomana waReueri*+ muMidhiyani, tezvara vaMozisi: “Tava kutama kuti tiende kunzvimbo yakanzi naJehovha, ‘Ndichakupai.’+ Handei tese,+ uye tichakubatai zvakanaka, nekuti Jehovha akavimbisa vaIsraeri zvinhu zvakanaka.”+
30 Asi iye akati kwaari: “Handikwanisi kuenda nemi. Ndinoda kudzokera kunyika yangu nekuhama dzangu.”
31 Iye ndokuti: “Ndapota musatisiya, nekuti ndimi munoziva patinofanira kudzika musasa murenje, uye munogona kutiratidza nzira.*
32 Uye kana mukaenda nesu,+ chero zvakanaka zvatichaitirwa naJehovha, tichakuitiraiwo izvozvo.”
33 Saka vakasimuka vachibva pagomo raJehovha+ vakafamba rwendo rwemazuva matatu, uye areka+ yesungano yaJehovha yaiva pamberi pavo parwendo rwemazuva matatu vachitsvaga nzvimbo yekuzorora.+
34 Uye gore raJehovha+ rakanga riri pamusoro pavo masikati pavakasimuka vachibva pavaiva vakadzika musasa.
35 Pese paisimudzwa Areka, Mozisi aiti: “Simukai, haiwa Jehovha,+ vavengi venyu ngavapararire, uye vaya vanokuvengai ngavatize pamberi penyu.”
36 Uye payaizorora, aiti: “Haiwa Jehovha, dzokai, kuzviuru zvisingaverengeki* zvevaIsraeri.”+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “nemauto aro.”
^ ChiHeb., “nemauto aro.”
^ ChiHeb., “nemauto aro.”
^ ChiHeb., “nemauto aro.”
^ ChiHeb., “nemauto.”
^ Kureva, Jetro.
^ Kana kuti “munogona kuva maziso edu.”
^ Kana kuti “kumakumi ezviuru.”