Nahumi 1:1-15

  • Mwari anotsiva mhandu dzake (1-7)

    • Mwari anoda kuzvipira kwakazara (2)

    • Jehovha anofunga vaya vanopotera kwaari (7)

  • Ninivhi ichaparadzwa zvachose (8-14)

    • Achaparadza zvekuti haazodzokorodzi (9)

  • Mashoko akanaka nezveJudha anoziviswa (15)

1  Mutongo weNinivhi:+ Bhuku rezvakaratidzwa Nahumi* wekuErikoshi:   Jehovha ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara+ uye anotsiva;Jehovha anotsiva uye akagadzirira kuratidza hasha dzake.+ Jehovha anotsiva mhandu dzake,Uye anochengeta hasha dzake kuti azodziratidza pavavengi vake.   Jehovha anononoka kutsamwa+ uye ane simba guru,+Asi Jehovha haazomboregi kuranga vanofanira kurangwa.+ Anofamba ari mumhepo inoparadza uye mudutu,Uye makore ndiwo guruva rinopfumburwa netsoka dzake.+   Anotuka gungwa,+ oriomesa;Uye anoomesa nzizi dzese.+ KuBhashani nekuKameri kuri kuoma,+Uye maruva eRebhanoni ari kuoma.   Iye ari kuita kuti makomo azununguke,Uye kuti zvikomo zvinyunguduke.+ Chiso chake chichaita kuti pasi padengenyeke,Pamwe chete nenyika yacho nevanhu vese vanogara mairi.+   Ndiani angamira pamberi pake kana atsamwa?+ Uye ndiani angaramba akamira paanoratidza hasha dzake huru?+ Hasha dzake dzichadururwa semoto,Uye achaita kuti matombo apwanyike.   Jehovha akanaka,+ inhare* pazuva rekutambudzika.+ Anofunga* vaya vanopotera kwaari.+   Achaiparadza* zvachose nemafashamo,Uye rima richatevera vavengi vake.   Pane here chamungaronga kuti murwisane naJehovha? Iye ari kuparadza zvese. Achaparadza zvekuti haazodzokorodzi.+ 10  Vakaita seminzwa yakarukana,Uye vakaita sevanhu vakadhakwa nedoro;*Asi vachaparadzwa semashanga akaoma. 11  Mauri muchabuda munhu anorongera Jehovha zvakaipa,Achipa zano risingabatsiri. 12  Zvanzi naJehovha: “Kunyange zvazvo vakanga vaine simba uye vari vazhinji,Vachatemwa vachiwira pasi uye vachafa.* Ndakakuranga* asi handizokurangi zvakare. 13  Iye zvino ndichatyora joko rake rakaiswa pauri,+Uye ndichadimbura zvawakasungwa nazvo. 14  Jehovha arayira pamusoro pako* kuti,‘Zita rako richadzimwa. Ndichaparadza mifananidzo yakavezwa nemifananidzo yesimbi* iri muimba* yavanamwari vako. Ndichakugadzirira guva, nekuti unosemesa.’ 15  Onai! Mumakomo mune tsoka dzeuya ari kuuya nemashoko akanaka,Iye ari kuzivisa rugare.+ Ita mitambo yako+ iwe Judha, zadzisa mhiko dzako,Nekuti uya asingabatsiri haazopfuurizve nemauri. Achaparadzwa zvachose.”

Mashoko Emuzasi

Kureva kuti “Munyaradzi.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kana kuti “Anochengeta.” ChiHeb., “Anoziva.”
Kureva, Ninivhi.
Kana kuti “nedoro regorosi.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “uye achapfuura nepakati pavo.”
Kureva, Judha.
Kureva, Asiriya.
Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “mutemberi.”