Nahumi 1:1-15
1 Mutongo weNinivhi:+ Bhuku rezvakaratidzwa Nahumi* wekuErikoshi:
2 Jehovha ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara+ uye anotsiva;Jehovha anotsiva uye akagadzirira kuratidza hasha dzake.+
Jehovha anotsiva mhandu dzake,Uye anochengeta hasha dzake kuti azodziratidza pavavengi vake.
3 Jehovha anononoka kutsamwa+ uye ane simba guru,+Asi Jehovha haazomboregi kuranga vanofanira kurangwa.+
Anofamba ari mumhepo inoparadza uye mudutu,Uye makore ndiwo guruva rinopfumburwa netsoka dzake.+
4 Anotuka gungwa,+ oriomesa;Uye anoomesa nzizi dzese.+
KuBhashani nekuKameri kuri kuoma,+Uye maruva eRebhanoni ari kuoma.
5 Iye ari kuita kuti makomo azununguke,Uye kuti zvikomo zvinyunguduke.+
Chiso chake chichaita kuti pasi padengenyeke,Pamwe chete nenyika yacho nevanhu vese vanogara mairi.+
6 Ndiani angamira pamberi pake kana atsamwa?+
Uye ndiani angaramba akamira paanoratidza hasha dzake huru?+
Hasha dzake dzichadururwa semoto,Uye achaita kuti matombo apwanyike.
7 Jehovha akanaka,+ inhare* pazuva rekutambudzika.+
Anofunga* vaya vanopotera kwaari.+
8 Achaiparadza* zvachose nemafashamo,Uye rima richatevera vavengi vake.
9 Pane here chamungaronga kuti murwisane naJehovha?
Iye ari kuparadza zvese.
Achaparadza zvekuti haazodzokorodzi.+
10 Vakaita seminzwa yakarukana,Uye vakaita sevanhu vakadhakwa nedoro;*Asi vachaparadzwa semashanga akaoma.
11 Mauri muchabuda munhu anorongera Jehovha zvakaipa,Achipa zano risingabatsiri.
12 Zvanzi naJehovha:
“Kunyange zvazvo vakanga vaine simba uye vari vazhinji,Vachatemwa vachiwira pasi uye vachafa.*
Ndakakuranga* asi handizokurangi zvakare.
13 Iye zvino ndichatyora joko rake rakaiswa pauri,+Uye ndichadimbura zvawakasungwa nazvo.
14 Jehovha arayira pamusoro pako* kuti,‘Zita rako richadzimwa.
Ndichaparadza mifananidzo yakavezwa nemifananidzo yesimbi* iri muimba* yavanamwari vako.
Ndichakugadzirira guva, nekuti unosemesa.’
15 Onai! Mumakomo mune tsoka dzeuya ari kuuya nemashoko akanaka,Iye ari kuzivisa rugare.+
Ita mitambo yako+ iwe Judha, zadzisa mhiko dzako,Nekuti uya asingabatsiri haazopfuurizve nemauri.
Achaparadzwa zvachose.”
Mashoko Emuzasi
^ Kureva kuti “Munyaradzi.”
^ Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
^ Kana kuti “Anochengeta.” ChiHeb., “Anoziva.”
^ Kureva, Ninivhi.
^ Kana kuti “nedoro regorosi.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “uye achapfuura nepakati pavo.”
^ Kureva, Judha.
^ Kureva, Asiriya.
^ Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”
^ Kana kuti “mutemberi.”