Mika 1:1-16

  • Mutongo weSamariya neJudha (1-16)

    • Zvivi nekupanduka zvinokonzera matambudziko (5)

1  Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Mika*+ wekuMoresheti raakapiwa achiita zvekuratidzwa, pamusoro peSamariya neJerusarema, mumazuva emadzimambo eJudha+ anoti Jotamu,+ Ahazi,+ naHezekiya:+  2  “Inzwai imi marudzi ese! Teerera iwe nyika nezviri mauri,Uye Changamire Ishe Jehovha ngaave chapupu chinokupai mhosva,+Iye Jehovha uyo ari mutemberi yake tsvene.  3  Nekuti Jehovha ari kubuda achibva munzvimbo yake;Achaburuka otsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.  4  Makomo achanyunguduka pasi pake+Uye mapani achatsemuka,Sezvinoita namo yaiswa pamoto,Uye semvura iri kudururirwa pamawere.  5  Zvese izvi zvichaitika nemhaka yekupanduka kwaJakobho,Nemhaka yezvivi zveimba yaIsraeri.+ Ndiani akapandutsa Jakobho? Haisi Samariya here?+ Ndiani akaita kuti Judha ave nenzvimbo dzakakwirira?+ Harisi Jerusarema here?  6  Ndichaita kuti Samariya isare yangova murwi wematombo panyika,Nzvimbo yekudyara mizambiringa;Ndichakanda matombo ayo mubani,Uye ndichasiya faundesheni yayo yava pachena.  7  Mifananidzo yayo yakavezwa ichaputswa-putswa yese,+Uye zvipo zvese zvayaipiwa semubhadharo* zvichapiswa nemoto.+ Ndichaparadza zvidhori zvayo zvese. Nekuti yakazvipiwa ichibhadharwa upfambi hwayaiita,Uye zvichava mubhadharo wedzimwe pfambi.”  8  Ndichachema uye ndicharidza mhere nemhaka yeizvi;+Ndichafamba ndisina shangu uye ndisina kupfeka.+ Ndichaungudza sehunguhwe,*Uye ndichachema seshiri inonzi mhou.  9  Nekuti ronda rayo harirapiki;+Rasvika kuJudha chaiko.+ Denda racho rapararira kusvika kugedhi revanhu vangu, kuJerusarema.+ 10  “Musazvizivisa muGati;Hamutombofaniri kuchema. Umburukai muguruva, muBheti-afra.* 11  Endai musina kupfeka uye muchinyara imi vagari vemuShafiri. Vagari vemuZaanani havana kubuda. Muguta reBheti-ezeri mucharidzwa mhere, uye harizorambi richikubatsira. 12  Nekuti vagari vemuMaroti vakamirira kuti vawane zvinhu zvakanaka,Asi zvakaipa ndizvo zvakauya kugedhi reJerusarema zvichibva kuna Jehovha. 13  Sungai mabhiza pangoro, imi vagari vemuRakishi.+ Ndimi makaita kuti mwanasikana weZiyoni atange kutadza,Nekuti kupanduka kwaIsraeri kwakawanikwa mauri,+ iwe mwanasikana weZiyoni. 14  Saka uchapa Moresheti-gati zvipo zvekuonekana. Madzimambo eIsraeri akazvinyengedza nekuvimba nedzimba dzekuAkzibhu.+ 15  Ndichakuunzirai achakukundai*+ imi vagari vemuMarisha.+ Anokudzwa weIsraeri achasvika* kuAdhuramu.+ 16  Zvigerei muparavara, musare musina bvudzi muchiitira vana venyu vamunoda kwazvo. Zvigerei muparavara muite segondo,Nekuti matorerwa vana venyu vakaendeswa kuutapwa.”+

Mashoko Emuzasi

^ Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Mikaeri (kureva kuti “Ndiani Akaita saMwari?) kana kuti Mikaya, (kureva kuti “Ndiani Akaita saJehovha?”).
^ Kana kuti “Uye zvese zvayaibhadharwa paupfambi hwayo.”
^ Iyi imhuka yakada kufanana negava.
^ Kana kuti “muimba yeAfra.”
^ Kana kuti “achakutorerai zvinhu.”
^ ChiHeb., “Kukudzwa kweIsraeri kuchasvika.”