Maraki 4:1-6
4 “Nekuti zuva richasvika, zuva rinopisa sechoto;+ pazuva iroro vanhu vese vanozvikudza nevaya vese vanoita zvakaipa vachaita semashanga. Zuva racho richavaparadza, rovasiya vasina mudzi kana bazi,” anodaro Jehovha wemauto.
2 Asi imi munokudza* zita rangu muchapenyerwa nezuva rekururama rine mwaranzi inorapa;* uye muchasvetuka-svetuka semhuru dzakakora.”*
3 “Muchatsika-tsika vakaipa, nekuti vachaita seguruva pasi petsoka dzenyu pazuva randichaita kuti zvinhu izvi zviitike,” anodaro Jehovha wemauto.
4 “Yeukai Mutemo wemushumiri wangu Mozisi, mirayiro nemitongo yandakapa paHorebhi kuti vaIsraeri vese vaiteerere.+
5 “Inzwai! Ndichakutumirai muprofita Eriya+ zuva guru raJehovha uye rinotyisa risati rasvika.+
6 Iye achadzosa mwoyo yavanababa kuvanakomana+ uye mwoyo yevanakomana kuna vanababa, kuti ndirege kuuya ndikarova nyika ndoiparadza.”

