Maraki 1:1-14

  • Jehovha anoda vanhu vake (1-5)

  • Vapristi vanopa zvibayiro zvisina kunaka (6-14)

    • Zita raMwari richava guru pakati pemarudzi (11)

1  Shoko rinokosha: Iri ndiro shoko raJehovha kuna Israeri, raakataura achishandisa Maraki:*  “Ndakakuratidzai rudo,”+ anodaro Jehovha. Asi imi munoti: “Makatiratidza rudo sei?” “Isau akanga asiri mukoma waJakobho here?”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Asi ndakada Jakobho,  ndikavenga Isau;+ uye ndakaita kuti makomo ake asare asina chinhu,+ ndikaita kuti nhaka yake isare ichigarwa nehunguhwe* dzemurenje.”+  “Kunyange zvazvo Edhomu achiti, ‘Takaparadzwa, asi tichadzoka tovaka nzvimbo dzakaparadzwa,’ zvanzi naJehovha wemauto, ‘Vachavaka, asi ini ndichaputsa, uye vanhu vachavatumidza kuti, “nharaunda yezvakaipa” uye “vanhu vakatukwa naJehovha nekusingaperi.”+  Maziso enyu achazviona, uye muchati: “Jehovha ngaakudzwe munharaunda yeIsraeri.”’”  “‘Mwanakomana anokudza baba vake;+ uye muranda anokudza tenzi wake. Saka kana ndiri baba,+ sei ndisiri kukudzwa sezvandinofanira kuitwa?+ Kana ndiri tenzi, sei ndisiri kutyiwa* sezvandinofanira kuitwa?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto kwamuri imi vapristi vanozvidza zita rangu.+ “‘Asi imi munoti: “Takazvidza zita renyu sei?”’  “‘Nekupa zvekudya zvakasvibiswa* paatari yangu.’ “‘Uye munoti: “Takakusvibisai sei?”’ “‘Nekutaura kwenyu kuti: “Tafura yaJehovha+ chinhu chinozvidzwa.”  Pamunopa chibayiro chemhuka yakapofumara munoti: “Hazvina kuipa.” Uye pamunopa mhuka yakaremara kana inorwara munoti: “Hazvina kuipa.”’”+ “Chimboedzai kupa gavhuna wenyu mhuka dzakadaro. Angakufarirai here, kana kuti angakugamuchirai zvakanaka here?” anodaro Jehovha wemauto.  “Zvino ndapota, kumbirai Mwari kuti atinzwire nyasha. Kana imi muchipa mipiro yakadaro, angakunzwirai nyasha here?” anodaro Jehovha wemauto. 10  “Ndiani pakati penyu anoda kuvhara masuo?*+ Nekuti munotoda kubhadharwa kuti mubatidze moto paatari yangu.+ Handifadzwi nemi,” anodaro Jehovha wemauto, “uye handifariri mipiro yamunopa.”+ 11  “Nekuti zita rangu richava guru pakati pemarudzi kubvira kumabvazuva kusvika kumavirira.+ Utsi hwezvibayiro huchapfungaidzwa munzvimbo dzese uye zita rangu richaunzirwa mipiro sechipo chakachena; nekuti zita rangu richava guru pakati pemarudzi,”+ anodaro Jehovha wemauto. 12  “Asi imi muri kurisvibisa*+ muchiti, ‘Tafura yaJehovha yakasviba, uye mipiro inoiswa pairi nezvekudya zviri pairi zvinhu zvinozvidzwa.’+ 13  Munotiwo, ‘Chokwadi izvi zvinonetesa!’ uye munozvifembedza muchizvishora,” anodaro Jehovha wemauto. “Uye munounza mhuka dzakabiwa, nedzakaremara, nedzinorwara. Munotouya kuzopa zvinhu zvakadaro! Ndingazvigamuchira here?”+ anodaro Jehovha. 14  “Munhu ane unyengeri ngaatukwe; anopika uye anopa chibayiro chisina kunaka* kuna Jehovha asi pazvipfuwo zvake paine mhuka hono yakanaka. Nekuti ndiri Mambo mukuru,”+ anodaro Jehovha wemauto, “uye zita rangu richatyiwa pakati pemarudzi.”+

Mashoko Emuzasi

Kureva kuti “Nhume Yangu.”
Iyi imhuka yakada kufanana negava.
Kana kuti “kuremekedzwa.”
ChiHeb., “chingwa chakasvibiswa.”
Zvinoratidza sekuti pari kureva basa rekuvhara masuo etemberi.
Dzimwe shanduro dzinoti, “kundisvibisa.”
Kana kuti “chakaremara.”