Mashoko Akanaka Akanyorwa naMako 16:1-8
-
Jesu anomutswa (1-8)
16 Saka Sabata+ parakanga rapfuura, Mariya Magadharini, naMariya+ amai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwirira kuti vaende vanozora chitunha chake.+
2 Vakasvika paguva* mangwanani-ngwanani, zuva richangobuda, pazuva rekutanga revhiki.+
3 Vaitaurirana vachiti: “Ndiani achatikungurutsira dombo riri pasuo reguva?”
4 Asi pavakatarisa, vakaona kuti dombo racho rakanga ratokungurutswa, kunyange zvazvo rakanga rakakura chaizvo.+
5 Pavakapinda muguva, vakaona rimwe jaya rakagara nechekurudyi rakapfeka nguo refu chena, uye vakavhunduka.
6 Iro rakati kwavari: “Musavhunduka.+ Ndiri kuziva kuti muri kutsvaga Jesu wekuNazareta akarovererwa. Akamutswa. Haapo pano.+ Tarisai muone, apa ndipo paanga akaradzikwa.+
7 Asi endai munoudza vadzidzi vake naPetro kuti, ‘Ari kufanotungamira kuGarireya.+ Muchamuona ikoko, sezvaakakuudzai.’”+
8 Saka pavakabuda, vakatiza paguva racho, vachidedera uye vachishamiswa zvikuru. Uye hapana munhu wavakataura naye nekuti vaitya.*+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “paguva rekuyeukwa.”
^ Maererano nezvinyorwa zvinovimbwa nazvo zvepakutangatanga, Evhangeri yaMako inopera nemashoko ari muvhesi 8. Ona Mashoko Ekuwedzera A3.

