Mashoko Akanaka Akanyorwa naMako 11:1-33
11 Pavakanga vava kuda kusvika kuJerusarema, vava kuBhetifage neBhetani+ paGomo reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri,+
2 akavaudza kuti: “Pindai mumusha wamuri kuona uyu, uye kana mangopinda imomo muchawana mwana wedhongi asati ambotasvwa akasungirirwa. Musunungurei muuye naye kuno.
3 Kana munhu akati kwamuri, ‘Muri kuitirei izvi?’ muti, ‘Riri kudiwa naIshe, uye vacharidzosa kuno kana vangopedza naro.’”
4 Saka vakaenda, vakawana mwana wedhongi akasungirirwa pasuo nechekunze mumugwagwa, vakamusunungura.+
5 Asi vamwe vakanga vakamira ipapo vakati kwavari: “Muri kusunungurireiko dhongi iro?”
6 Vakavaudza zvavakanga vaudzwa naJesu, uye vakavasiya vachienda.
7 Vakabva vauya nedhongi racho+ kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo dzekunze pariri, iye akaritasva.+
8 Uyewo, vazhinji vakawaridza nguo dzavo dzekunze mumugwagwa, asi vamwe vakatema tumapazi musango.+
9 Vaya vakanga vachifamba vari mberi nevakanga vachitevera mushure vaishevedzera vachiti: “Tinokumbira kuti mumuponese!*+ Akakomborerwa munhu anouya muzita raJehovha!*+
10 Hwakakomborerwa Umambo hwababa vedu Dhavhidhi huri kuuya!+ Tinokumbira kuti mumuponese muri kumusorosoro!”
11 Uye akapinda muJerusarema ndokuenda kutemberi, akaongorora zvinhu zvese, asi sezvo kwakanga kwatosviba, akabuda akaenda kuBhetani nevane Gumi Nevaviri.+
12 Mangwana acho, pavakanga vava kubuda muBhetani, akatanga kunzwa nzara.+
13 Achiri nechekure zvishoma akaona muonde wakanga wakasvibirira, akaenda kunotsvaga maonde pauri. Asi paakasvika pauri, hapana chaakawana kunze kwemashizha, nekuti wakanga usiri mwaka wemaonde.
14 Saka akati kwauri: “Ngaparege kuva nemunhu anofa akadya michero inobva pauri.”+ Vadzidzi vake vakanga vakateerera.
15 Vakazosvika kuJerusarema. Ari ikoko akapinda mutemberi, akatanga kudzingira kunze vaya vaitenga nekutengesa mutemberi, akapidigura tafura dzevaichinja mari, nemabhenji evaitengesa njiva,+
16 uye hapana munhu waaibvumira kupfuura nemutemberi akatakura chinhu.
17 Aidzidzisa uye aiti kwavari: “Hazvina kunyorwa here kuti, ‘Imba yangu ichanzi imba yekunyengeterera yemarudzi ese’?+ Asi imi maiita bako remakororo.”+
18 Uye vatungamiriri vevapristi nevanyori vakazvinzwa, vakatanga kutsvaga nzira yekumuuraya;+ nekuti vaimutya, sezvo vanhu vese vaishamiswa nekudzidzisa kwake.+
19 Zuva parakanga ravira, vakabuda muguta.
20 Asi pavakanga vachipfuura mangwanani-ngwanani, vakaona muonde uya watooma kubvira kumidzi.+
21 Petro akazviyeuka, ndokuti kwaari: “Rabhi, onai! muonde uya wamakatuka waoma.”+
22 Jesu akapindura achiti kwavari: “Ivai nekutenda muna Mwari.
23 Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wese anoudza gomo iri kuti, ‘Simuka uwire mugungwa,’ aine chokwadi nazvo mumwoyo make uye achitenda kuti zvaanotaura zvichaitika, zvichaitika.+
24 Ndokusaka ndichikuudzai kuti, zvinhu zvese zvamunonyengeterera muchikumbira, ivai nekutenda kwekuti matozvigamuchira, uye muchava nazvo.+
25 Uye pamunomira muchinyengetera, regererai zvinhu zvese zvamakatadzirwa nemunhu, kuti Baba venyu vari kudenga vakuregerereiwo kudarika kwenyu.”+
26 * ——
27 Vakasvikazve kuJerusarema. Uye paaifamba mutemberi, vatungamiriri vevapristi nevanyori nevakuru vakauya
28 vakati kwaari: “Une mvumo here yekuita zvinhu izvi? Kana kuti ndiani akakupa mvumo yekuita zvinhu izvi?”+
29 Jesu akati kwavari: “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Kana mukandipindura, ndichakuudzaiwo kuti ndiani akandipa mvumo yekuita zvinhu izvi.
30 Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani+ rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu? Ndipindurei.”+
31 Saka vakatanga kutaurirana vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati, ‘Saka nei musina kumutenda?’
32 Asi tingashinga here kuti, ‘Rwakabva kuvanhu’?” Vaitya vanhu, nekuti vese vaiti Johani aiva muprofita zvechokwadi.+
33 Saka vakapindura Jesu vachiti: “Hatizivi.” Jesu akati kwavari: “Neniwo handikuudzii kuti ndiani akandipa mvumo yekuita zvinhu izvi.”

