Joshua 9:1-27

  • VaGibhiyoni vanoshandisa njere, votsvaga rugare (1-15)

  • VaGibhiyoni vanoonekwa kuti vakanyepa (16-21)

  • VaGibhiyoni vanopiwa basa rekuchera mvura nekutema huni (22-27)

9  Madzimambo ese aiva kumavirira kwaJodhani+ paakanzwa zvakanga zvaitika, aya aiva munyika ine makomo, muShefera, nemumhenderekedzo mese meGungwa Guru,*+ uye pakatarisana neRebhanoni, kureva vaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi nevaJebhusi,+  akabva abatana kuti arwise Joshua nevaIsraeri.+  Vagari vemuGibhiyoni+ vakanzwawo zvakanga zvaitwa naJoshua kuJeriko+ neAi.+  Saka vakashandisa njere, vakaisa mbuva mumasaga akasakara pamadhongi avo, nezvihomwe zvematehwe zvekuisira waini zvakasakara, zvainge zvabvaruka zvikasonwa;  uyewo vakanga vakapfeka shangu dzakasakara dzine zvigamba nenguo dzakasakara. Chingwa chese chavaiva nacho chakanga chaoma, chava kuita mafufu.  Vakabva vaenda kuna Joshua kumusasa kuGirigari+ vakati kwaari nekuvarume veIsraeri: “Tabva kunyika iri kure. Tinokumbirawo kuti muite sungano nesu.”  Asi varume veIsraeri vakati kuvaHivhi+ vacho: “Pamwe muri kugara pedyo nesu. Saka tingaita sei sungano nemi?”+  Ivo vakapindura Joshua vachiti: “Tiri varanda* venyu.” Joshua akabva ati kwavari: “Muri vanaani, uye munobva kupi?”  Ivo vakati kwaari: “Varanda venyu vabva kunyika iri kure kwazvo+ nekuda kwezita raJehovha Mwari wenyu, nekuti takanzwa nezvemukurumbira wake nezvese zvaakaita muIjipiti+ 10  nezvese zvaakaita kumadzimambo maviri evaAmori aiva mhiri* kwaJodhani, anoti Mambo Sihoni+ weHeshbhoni naMambo Ogi+ weBhashani, aiva muguta reAshtaroti. 11  Saka vakuru vedu nevagari vese vemunyika yedu vakati kwatiri, ‘Takurai mbuva yerwendo muende kunosangana navo. Muti kwavari: “Tichava varanda venyu;+ zvino itai sungano nesu.”’+ 12  Chingwa ichi chatakatakura kuti tifambe tichidya chaipisa pazuva ratakabuda mudzimba dzedu kuti tiuye kuno kwamuri. Iye zvino chionai chaoma uye chava kuita mafufu.+ 13  Uye homwe idzi dzewaini dzaiva itsva patakadzizadza, asi iye zvino dzabvaruka.+ Uye nguo dzedu neshangu zvasakara nekurebesa kwerwendo rwacho.” 14  Varume vacho vakabva vatora* imwe mbuva yavo, asi havana kubvunza Jehovha.+ 15  Saka Joshua akaita rugare navo,+ akaita sungano navo kuti vavasiye vari vapenyu, uye ndizvo zvavakapikirwa nemachinda eungano.+ 16  Papera mazuva matatu, pashure pekunge vaita sungano navo, vakanzwa kuti vaigara pedyo navo, munharaunda yavo. 17  VaIsraeri vakabva vasimuka, vakasvika kumaguta avo pazuva rechitatu; maguta avo aiva Gibhiyoni,+ Kefira, Bheeroti, neKiriyati-jearimu.+ 18  Asi vaIsraeri havana kuvarwisa, nekuti machinda eungano akanga apika kwavari naJehovha+ Mwari waIsraeri. Saka ungano yese yakatanga kugunun’unira machinda acho. 19  Machinda acho ese akabva ati kuungano yese: “Sezvo takapika kwavari naJehovha Mwari waIsraeri, hatibvumirwi kuvaitira zvakaipa. 20  Izvi ndizvo zvatichaita: Tichavasiya vari vapenyu, kuti tirege kutsamwirwa nekuda kwemhiko yatakavapikira.”+ 21  Machinda acho akaenderera mberi achiti: “Vasiyei vari vapenyu, asi ngavaitire ungano yese basa rekutsvaga huni nekuchera mvura.” Izvi ndizvo zvavakavimbiswa nemachinda. 22  Joshua akabva avashevedza akati kwavari: “Makatinyengedzerei muchiti, ‘Tinobva kunzvimbo iri kure kwazvo nemi,’ asi imi muchigara pakati pedu chaipo?+ 23  Kubva iye zvino matukwa,+ uye muchagara muri varanda, muchiita basa rekutsvaga huni nekuchera mvura zveimba yaMwari wangu.” 24  Vakapindura Joshua vachiti: “Nekuti varanda venyu vakaudzwa pachena kuti Jehovha Mwari wenyu akarayira muranda wake Mozisi kuti akupei nyika yese uye kuti aparadze vagari vese vemunyika yacho pamberi penyu.+ Saka takatya kuti mungatiuraya.*+ Ndizvo zvakaita kuti tidaro.+ 25  Iye zvino tava mumaoko enyu. Tiitirei zvamunofunga kuti zvakanaka uye zvakarurama.” 26  Izvozvo ndizvo zvaakavaitira; akavanunura kubva mumaoko evaIsraeri, uye havana kuvauraya. 27  Asi pazuva iroro Joshua akavapa basa rekutsvaga huni nekuchera mvura, vachiitira ungano+ neatari yaJehovha panzvimbo yaizosarudzwa naMwari,+ uye ndizvo zvavachiri kuita nanhasi.+

Mashoko Emuzasi

Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.
Kana kuti “vashandi.”
Kureva, kumabvazuva.
Kana kuti “vaongorora.”
Kana kuti “Saka takatyira mweya yedu.”