Joshua 9:1-27
9 Madzimambo ese aiva kumavirira kwaJodhani+ paakanzwa zvakanga zvaitika, aya aiva munyika ine makomo, muShefera, nemumhenderekedzo mese meGungwa Guru,*+ uye pakatarisana neRebhanoni, kureva vaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi nevaJebhusi,+
2 akabva abatana kuti arwise Joshua nevaIsraeri.+
3 Vagari vemuGibhiyoni+ vakanzwawo zvakanga zvaitwa naJoshua kuJeriko+ neAi.+
4 Saka vakashandisa njere, vakaisa mbuva mumasaga akasakara pamadhongi avo, nezvihomwe zvematehwe zvekuisira waini zvakasakara, zvainge zvabvaruka zvikasonwa;
5 uyewo vakanga vakapfeka shangu dzakasakara dzine zvigamba nenguo dzakasakara. Chingwa chese chavaiva nacho chakanga chaoma, chava kuita mafufu.
6 Vakabva vaenda kuna Joshua kumusasa kuGirigari+ vakati kwaari nekuvarume veIsraeri: “Tabva kunyika iri kure. Tinokumbirawo kuti muite sungano nesu.”
7 Asi varume veIsraeri vakati kuvaHivhi+ vacho: “Pamwe muri kugara pedyo nesu. Saka tingaita sei sungano nemi?”+
8 Ivo vakapindura Joshua vachiti: “Tiri varanda* venyu.”
Joshua akabva ati kwavari: “Muri vanaani, uye munobva kupi?”
9 Ivo vakati kwaari: “Varanda venyu vabva kunyika iri kure kwazvo+ nekuda kwezita raJehovha Mwari wenyu, nekuti takanzwa nezvemukurumbira wake nezvese zvaakaita muIjipiti+
10 nezvese zvaakaita kumadzimambo maviri evaAmori aiva mhiri* kwaJodhani, anoti Mambo Sihoni+ weHeshbhoni naMambo Ogi+ weBhashani, aiva muguta reAshtaroti.
11 Saka vakuru vedu nevagari vese vemunyika yedu vakati kwatiri, ‘Takurai mbuva yerwendo muende kunosangana navo. Muti kwavari: “Tichava varanda venyu;+ zvino itai sungano nesu.”’+
12 Chingwa ichi chatakatakura kuti tifambe tichidya chaipisa pazuva ratakabuda mudzimba dzedu kuti tiuye kuno kwamuri. Iye zvino chionai chaoma uye chava kuita mafufu.+
13 Uye homwe idzi dzewaini dzaiva itsva patakadzizadza, asi iye zvino dzabvaruka.+ Uye nguo dzedu neshangu zvasakara nekurebesa kwerwendo rwacho.”
14 Varume vacho vakabva vatora* imwe mbuva yavo, asi havana kubvunza Jehovha.+
15 Saka Joshua akaita rugare navo,+ akaita sungano navo kuti vavasiye vari vapenyu, uye ndizvo zvavakapikirwa nemachinda eungano.+
16 Papera mazuva matatu, pashure pekunge vaita sungano navo, vakanzwa kuti vaigara pedyo navo, munharaunda yavo.
17 VaIsraeri vakabva vasimuka, vakasvika kumaguta avo pazuva rechitatu; maguta avo aiva Gibhiyoni,+ Kefira, Bheeroti, neKiriyati-jearimu.+
18 Asi vaIsraeri havana kuvarwisa, nekuti machinda eungano akanga apika kwavari naJehovha+ Mwari waIsraeri. Saka ungano yese yakatanga kugunun’unira machinda acho.
19 Machinda acho ese akabva ati kuungano yese: “Sezvo takapika kwavari naJehovha Mwari waIsraeri, hatibvumirwi kuvaitira zvakaipa.
20 Izvi ndizvo zvatichaita: Tichavasiya vari vapenyu, kuti tirege kutsamwirwa nekuda kwemhiko yatakavapikira.”+
21 Machinda acho akaenderera mberi achiti: “Vasiyei vari vapenyu, asi ngavaitire ungano yese basa rekutsvaga huni nekuchera mvura.” Izvi ndizvo zvavakavimbiswa nemachinda.
22 Joshua akabva avashevedza akati kwavari: “Makatinyengedzerei muchiti, ‘Tinobva kunzvimbo iri kure kwazvo nemi,’ asi imi muchigara pakati pedu chaipo?+
23 Kubva iye zvino matukwa,+ uye muchagara muri varanda, muchiita basa rekutsvaga huni nekuchera mvura zveimba yaMwari wangu.”
24 Vakapindura Joshua vachiti: “Nekuti varanda venyu vakaudzwa pachena kuti Jehovha Mwari wenyu akarayira muranda wake Mozisi kuti akupei nyika yese uye kuti aparadze vagari vese vemunyika yacho pamberi penyu.+ Saka takatya kuti mungatiuraya.*+ Ndizvo zvakaita kuti tidaro.+
25 Iye zvino tava mumaoko enyu. Tiitirei zvamunofunga kuti zvakanaka uye zvakarurama.”
26 Izvozvo ndizvo zvaakavaitira; akavanunura kubva mumaoko evaIsraeri, uye havana kuvauraya.
27 Asi pazuva iroro Joshua akavapa basa rekutsvaga huni nekuchera mvura, vachiitira ungano+ neatari yaJehovha panzvimbo yaizosarudzwa naMwari,+ uye ndizvo zvavachiri kuita nanhasi.+
Mashoko Emuzasi
^ Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.
^ Kana kuti “vashandi.”
^ Kureva, kumabvazuva.
^ Kana kuti “vaongorora.”
^ Kana kuti “Saka takatyira mweya yedu.”