Joshua 3:1-17

  • VaIsraeri vanoyambuka Jodhani (1-17)

3  Zvino Joshua akamuka mangwanani-ngwanani, akasimuka nevaIsraeri* vese kubva paShitimu+ vakasvika paRwizi rwaJodhani. Vakarara ipapo vasati vayambuka.  Papera mazuva matatu, vatungamiriri+ vakatenderera nemusasa wese,  vakarayira vanhu vachiti: “Pamunongoona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu yakatakurwa nevapristi vedzinza raRevhi,+ munofanira kubva panzvimbo yenyu, moitevera.  Asi munofanira kufamba muri kure nayo nemakubhiti anenge 2 000;* musatomboswedera pedyo nayo, kuitira kuti muzive nzira yamuchaenda nayo, nekuti hamusati mambofamba nenzira yacho.”  Zvino Joshua akati kuvanhu: “Zvitsvenesei,+ nekuti mangwana Jehovha achakuitirai zvinhu zvinoshamisa.”+  Joshua akabva ati kuvapristi: “Simudzai areka+ yesungano mutungamirire vanhu.” Saka vakasimudza areka yesungano vakatungamirira vanhu.  Jehovha akabva ati kuna Joshua: “Nhasi ndichatanga kukukudza vaIsraeri vese vachiona,+ kuti vazive kuti ndichava newe+ sezvandakava naMozisi.+  Unofanira kurayira vapristi vanotakura areka yesungano, uchiti: ‘Pamunosvika panotangira mvura yaJodhani, munofanira kupinda, moramba makamira muJodhani.’”+  Zvino Joshua akati kuvaIsraeri: “Huyai munzwe mashoko aJehovha Mwari wenyu.” 10  Joshua akabva ati: “Izvi ndizvo zvichaita kuti muzive kuti Mwari mupenyu ari pakati penyu,+ uye kuti chokwadi achadzinga vaKenani, vaHiti, vaHivhi, vaPerizi, vaGigashi, vaAmori, nevaJebhusi+ pamberi penyu. 11  Onai! Areka yesungano yaShe wenyika yese iri kukutungamirirai ichipinda muJodhani. 12  Zvino torai varume 12 pamadzinza aIsraeri, murume mumwe chete padzinza rimwe nerimwe,+ 13  uye tsoka dzevapristi vakatakura Areka yaJehovha, Ishe wenyika yese, padzinongotsika mvura yaJodhani, mvura yaJodhani yekumusoro ichamiswa, uye ichaita semadziro.”+ 14  Saka vanhu pavakasimuka pavakanga vakadzika matende avo vava kuda kuyambuka Jodhani, vapristi vakanga vakatakura areka+ yesungano vakavatungamirira. 15  Vapristi vacho vakanga vakatakura Areka pavakangosvika paJodhani, uye pavakanyudza tsoka dzavo nechekumucheto kwemvura (Rwizi rwaJodhani runofashukira+ munguva yese yekukohwa), 16  mvura yekumusoro yakabva yamira. Yakaungana semvura yakamiswa nemadziro edhamu, kure kwazvo kuAdhamu, guta riri pedyo neZaretani, ukuwo mvura yaiyerera yakananga kuGungwa reArabha, iro Gungwa reMunyu,* yakayerera yese ikapera. Mvura yakamiswa, uye vanhu vakayambuka nepakatarisana neJeriko. 17  Vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vakamira vakatsika pavhu rakaoma+ pakati peRwizi rwaJodhani, uku vaIsraeri vese vachiyambuka nepakaoma,+ kusvikira rudzi rwese rwayambuka Jodhani.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “nevanakomana vaIsraeri.”
Mamita anenge 890. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kureva, Gungwa Rakafa.