Joshua 19:1-51

  • Nhaka yaSimiyoni (1-9)

  • Nhaka yaZebhuroni (10-16)

  • Nhaka yaIsakari (17-23)

  • Nhaka yaAsheri (24-31)

  • Nhaka yaNaftari (32-39)

  • Nhaka yaDhani (40-48)

  • Nhaka yaJoshua (49-51)

19  Mujenya wechipiri+ wakabuda ndewaSimiyoni, uri wedzinza raSimiyoni+ maererano nemhuri dzavo. Nhaka yavo yaiva pakati penhaka yaJudha.+  Nhaka yavo yaiva Bheeri-shebha+ neShebha, Moradha,+  Hazari-shuari,+ Bhara, Ezemu,+  Eritoradhi,+ Bheturi, Homa,  Zikragi,+ Bheti-makabhoti, Hazari-susa,  Bheti-rebhaoti,+ neSharuheni, maguta 13 nemisha yawo;  Aini, Rimoni, Eteri neAshani,+ maguta mana nemisha yawo;  nemisha yese yainge yakapoteredza maguta aya kusvika kuBhaarati-bheeri, kureva Rama yekumaodzanyemba. Iyi ndiyo yaiva nhaka yedzinza raSimiyoni maererano nemhuri dzavo.  Nhaka yevanhu vekwaSimiyoni yakatorwa pamugove waJudha, nekuti mugove waJudha wakanga wakanyanya kukura. Saka vanhu vekwaSimiyoni vakapiwa nyika munhaka yaJudha.+ 10  Mujenya+ wechitatu wakabuda uri wevanhu vekwaZebhuroni+ maererano nemhuri dzavo, uye muganhu wenhaka yavo waisvika kuSaridhi. 11  Muganhu wavo waienda nechekumavirira kuMareyari, uchisvika kuDhabhesheti wobva waenda kurwizi* rwuri pakatarisana neJokneyamu. 12  Waibva kuSaridhi uchienda nechekumabvazuva, kumuganhu weKisroti-tabhori, wobuda uchienda kuDhabherati+ wobva wakwira kuJafiya. 13  Kubva ikoko waipfuura uchienda nechekumabvazuva kuGati-heferi,+ wosvika kuEti-kazini, wobuda uchienda kuRimoni, uchinosvika kuNeya. 14  Kuchamhembe, muganhu wacho waipoterera uchienda kuHanatoni, uchinogumira kuBani reIfta-eri, 15  neKatati, Naharari, Shimroni,+ Idhara, neBhetrehema,+ maguta 12 nemisha yawo. 16  Iyi ndiyo yaiva nhaka yevanhu vekwaZebhuroni maererano nemhuri dzavo.+ Aya ndiwo aiva maguta acho nemisha yawo. 17  Mujenya+ wechina wakabuda uri waIsakari,+ wevanhu vekwaIsakari maererano nemhuri dzavo. 18  Muganhu wavo waisvika kuJezreeri,+ Kesuroti, Shunemi,+ 19  Hafaraimu, Shioni, Anaharati, 20  Rabhiti, Kishioni, Ebhezi, 21  Remeti, Eni-ganimu,+ Eni-hadha, neBheti-pazezi. 22  Muganhu wacho waisvika kuTabhori+ neShahazuma neBheti-shemeshi, uye waigumira kuJodhani, maguta 16 nemisha yawo. 23  Iyi ndiyo yaiva nhaka yedzinza raIsakari maererano nemhuri dzavo,+ maguta acho nemisha yawo. 24  Mujenya+ wechishanu wakabva wabuda uri wedzinza raAsheri+ maererano nemhuri dzavo. 25  Muganhu wavo waiva Herikati,+ Harai, Bheteni, Akshafu, 26  Aramereki, Amadhi, neMishari. Waisvika kumavirira kuKameri+ nekuShihori-ribhinati, 27  wodzoka nechekumabvazuva uchienda kuBheti-dhagoni wonobata kwaZebhuroni nekuBani reIfta-eri kuchamhembe, uchinosvika kuBheti-emeki neNeieri, uye waipfuurira uri kuruboshwe kweKabhuri, 28  uchisvika kuEbroni, Rehobhu, Hamoni, neKana wopfuurira kusvika kuSidhoni+ guta guru. 29  Muganhu wacho waibva wadzokera kuRama uchisvika kuguta rakakomberedzwa nemasvingo reTire.+ Waibva wadzokera kuHosa, uchinoperera kugungwa munharaunda yeAkzibhu, 30  Uma, Afeki,+ Rehobhu,+ maguta 22 nemisha yawo. 31  Iyi ndiyo yaiva nhaka yedzinza raAsheri maererano nemhuri dzavo.+ Aya ndiwo aiva maguta acho nemisha yawo. 32  Mujenya+ wechi6 wakabuda uri wevanhu vekwaNaftari, ivo vana vaNaftari maererano nemhuri dzavo. 33  Muganhu wavo waibva kuHerefu uye pamuti mukuru uri muZaananimu,+ uchienda kuAdhami-nekebhi neJabneeri kusvika kuRakumu; wogumira kuJodhani. 34  Muganhu wacho waibva wadzoka kumavirira uchienda kuAznoti-tabhori, wobva ikoko uchienda kuHukoki, uchinosvika kwaZebhuroni kumaodzanyemba, uye kumavirira waisvika kwaAsheri, kumabvazuva uchisvika kwaJudha kuJodhani. 35  Maguta akakomberedzwa nemasvingo aiva Zidhimu, Zeri, Hamati,+ Rakati, Kinereti, 36  Adhama, Rama, Hazori,+ 37  Kedheshi,+ Edrei, Eni-hazori, 38  Yironi, Migdhari-eri, Horemu, Bheti-anati, neBheti-shemeshi,+ maguta 19 nemisha yawo. 39  Iyi ndiyo yaiva nhaka yedzinza raNaftari maererano nemhuri dzavo,+ maguta acho nemisha yawo. 40  Mujenya+ wechi7 wakabuda uri wedzinza raDhani+ maererano nemhuri dzavo. 41  Muganhu wenhaka yavo waiva Zora,+ Eshtaori, Iri-shemeshi, 42  Shaarabhini,+ Aijaroni,+ Itraa, 43  Eroni, Timna,+ Ekroni,+ 44  Eriteke, Gibhetoni,+ Bhaarati, 45  Jehudhi, Bhene-bheraki, Gati-rimoni,+ 46  Me-jakoni, Rakoni, uye muganhu wacho waipfuurira uri pedyo neJopa.+ 47  Asi nyika yekwaDhani yakanga iri diki chaizvo zvekuti vakanga vasingakwani.+ Saka vakaenda kunorwisa Reshemu,+ vakaitora, vakaiparadza nebakatwa. Vakaitora vakagara mairi, uye vakachinja zita reReshemu vakariti Dhani, iro raiva zita ratateguru wavo.+ 48  Iyi ndiyo yaiva nhaka yedzinza raDhani maererano nemhuri dzavo. Aya ndiwo aiva maguta acho nemisha yawo. 49  Saka vakapedza kukamura nyika yacho kuti ive nhaka yavo vachitevera miganhu yayo. VaIsraeri vakabva vapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka pakati pavo. 50  Vakamupa guta raakakumbira reTimnati-sera,+ riri munyika ine makomo yaEfremu sezvakanga zvarayirwa naJehovha, uye Joshua akavaka guta racho, akagara mariri. 51  Idzi ndidzo nhaka dzakagovewa+ nemupristi Eriyezari naJoshua mwanakomana waNuni nevakuru vedzimba dzemadzibaba emadzinza aIsraeri pachishandiswa mujenya muShiro+ pamberi paJehovha, pasuo retende rekusanganira.+ Saka vakapedza kugova nyika yacho.

Mashoko Emuzasi