Joshua 16:1-10
16 Nyika yakagoverwa vanhu vekwaJosefa+ pachishandiswa mujenya+ yaitangira paJodhani kuJeriko ichisvika kuchitubu chiri kumabvazuva kweJeriko, ichipfuura nemugwenga ichikwira kubva kuJeriko kuenda kumakomo ekuBheteri.+
2 Kubva kuBheteri pedyo neRuzi, yaipfuurira kusvika kumuganhu wevaAki kuAtaroti,
3 yoenda nekumavirira kumuganhu wevaJafreti kusvika kumuganhu weBheti-horoni Yezasi+ neGezeri,+ yoperera kugungwa.
4 Saka vedzinza raManase neraEfremu, izvo zvizvarwa zvaJosefa,+ vakatora nyika yavo.+
5 Uyu ndiwo waiva muganhu wevanhu vekwaEfremu maererano nemhuri dzavo: Muganhu wenhaka yavo kumabvazuva waiva Ataroti-adhari+ kusvika kuBheti-horoni Yekumusoro,+
6 uye muganhu wacho wainosvika kugungwa. Mikmetati+ yaiva kuchamhembe, uye muganhu wacho waipoterera nekumabvazuva uchienda kuTaanati-shiro, wopfuurira uri kumabvazuva uchienda kuJanoa.
7 Waibva wadzika kubva kuJanoa uchienda kuAtaroti neNaara, kunobata Jeriko,+ wopfuurira kusvika kuJodhani.
8 Kubva kuTapua,+ muganhu wacho waipfuurira uchienda kumavirira kuRwizi* rweKana, uchinogumira kugungwa.+ Iyi ndiyo nhaka yedzinza raEfremu maererano nemhuri dzavo;
9 vanhu vekwaEfremu vaivawo nemaguta avakapiwa panhaka yaManase+ pamwe chete nemisha yawo.
10 Asi havana kudzinga vaKenani vaigara muGezeri,+ saka vaKenani vachiri kugara pakati pevaEfremu nanhasi,+ vachiitiswa basa rekumanikidzwa.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”