Joshua 16:1-10

  • Nhaka yevanhu vekwaJosefa (1-4)

  • Nhaka yaEfremu (5-10)

16  Nyika yakagoverwa vanhu vekwaJosefa+ pachishandiswa mujenya+ yaitangira paJodhani kuJeriko ichisvika kuchitubu chiri kumabvazuva kweJeriko, ichipfuura nemugwenga ichikwira kubva kuJeriko kuenda kumakomo ekuBheteri.+  Kubva kuBheteri pedyo neRuzi, yaipfuurira kusvika kumuganhu wevaAki kuAtaroti,  yoenda nekumavirira kumuganhu wevaJafreti kusvika kumuganhu weBheti-horoni Yezasi+ neGezeri,+ yoperera kugungwa.  Saka vedzinza raManase neraEfremu, izvo zvizvarwa zvaJosefa,+ vakatora nyika yavo.+  Uyu ndiwo waiva muganhu wevanhu vekwaEfremu maererano nemhuri dzavo: Muganhu wenhaka yavo kumabvazuva waiva Ataroti-adhari+ kusvika kuBheti-horoni Yekumusoro,+  uye muganhu wacho wainosvika kugungwa. Mikmetati+ yaiva kuchamhembe, uye muganhu wacho waipoterera nekumabvazuva uchienda kuTaanati-shiro, wopfuurira uri kumabvazuva uchienda kuJanoa.  Waibva wadzika kubva kuJanoa uchienda kuAtaroti neNaara, kunobata Jeriko,+ wopfuurira kusvika kuJodhani.  Kubva kuTapua,+ muganhu wacho waipfuurira uchienda kumavirira kuRwizi* rweKana, uchinogumira kugungwa.+ Iyi ndiyo nhaka yedzinza raEfremu maererano nemhuri dzavo;  vanhu vekwaEfremu vaivawo nemaguta avakapiwa panhaka yaManase+ pamwe chete nemisha yawo. 10  Asi havana kudzinga vaKenani vaigara muGezeri,+ saka vaKenani vachiri kugara pakati pevaEfremu nanhasi,+ vachiitiswa basa rekumanikidzwa.+

Mashoko Emuzasi

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”