Joshua 12:1-24

  • Madzimambo akakundwa kumabvazuva kwaJodhani (1-6)

  • Madzimambo akakundwa kumavirira kwaJodhani (7-24)

12  Aya ndiwo madzimambo enyika yacho akakundwa nevaIsraeri, ane nyika yavakatora kumabvazuva kwaJodhani, kubvira kuBani reAnoni*+ kusvikira kuGomo reHemoni+ neArabha yese nechekumabvazuva:+  Sihoni+ mambo wevaAmori, aigara muHeshbhoni, achitonga kubvira kuAroeri,+ yaiva kumucheto kweBani reAnoni,*+ uye kubvira pakati pebani, nehafu yeGiriyedhi kusvikira kuBani reJabhoki,* muganhu wevaAmoni.  Aitongawo Arabha kusvikira kuGungwa reKinereti*+ nechekumabvazuva uye kusvikira kuGungwa reArabha, Gungwa reMunyu,* kumabvazuva zvichienda kuBheti-jeshimoti, uye nechekumaodzanyemba muzasi menzvimbo dzine materu dzePisga.+  Uyewo nharaunda yaOgi+ mambo weBhashani, uyo aiva mumwe wevekupedzisira pavaRefaimu,+ uye aigara muAshtaroti neEdrei,  achitonga muGomo reHemoni, muSareka, nemuBhashani+ yese, kusvikira kumuganhu wevaGeshuri nevaMaakati,+ nehafu yeGiriyedhi, kusvikira kunharaunda yaSihoni mambo weHeshbhoni.+  Mozisi muranda waJehovha pamwe chete nevaIsraeri vakakunda madzimambo aya,+ Mozisi muranda waJehovha achibva azopa nyika yavo kuvaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza raManase+ kuti ive yavo.  Aya ndiwo madzimambo enyika yacho akakundwa naJoshua nevaIsraeri kumavirira kwaJodhani, kubvira kuBhaari-gadhi+ iri muBani reRebhanoni+ kusvikira kuGomo reHaraki,+ rinokwira richienda kuSeiri,+ Joshua achibva azopa nyika yavo kumadzinza aIsraeri kuti ive yawo maererano nemigove yawo,+  munyika ine makomo, muShefera, muArabha, munzvimbo dzine materu, murenje, nemuNegebhu,+ kureva nyika yevaHiti, vaAmori,+ vaKenani, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi:+   Mambo weJeriko,+ mumwe chete; mambo weAi,+ yaiva pedyo neBheteri, mumwe chete; 10  mambo weJerusarema, mumwe chete; mambo weHebroni,+ mumwe chete; 11  mambo weJamuti, mumwe chete; mambo weRakishi, mumwe chete; 12  mambo weEgroni, mumwe chete; mambo weGezeri,+ mumwe chete; 13  mambo weDhebhiri,+ mumwe chete; mambo weGedheri, mumwe chete; 14  mambo weHoma, mumwe chete; mambo weAradhi, mumwe chete; 15  mambo weRibna,+ mumwe chete; mambo weAdhuramu, mumwe chete; 16  mambo weMakedha,+ mumwe chete; mambo weBheteri,+ mumwe chete; 17  mambo weTapua, mumwe chete; mambo weHeferi, mumwe chete; 18  mambo weAfeki, mumwe chete; mambo weRasharoni, mumwe chete; 19  mambo weMadhoni, mumwe chete; mambo weHazori,+ mumwe chete; 20  mambo weShimroni-meroni, mumwe chete; mambo weAkshafu, mumwe chete; 21  mambo weTaanaki, mumwe chete; mambo weMegidho, mumwe chete; 22  mambo weKedheshi, mumwe chete; mambo weJokneyamu+ iri muKameri, mumwe chete; 23  mambo weDhori munzvimbo dzine materu dzeDhori,+ mumwe chete; mambo weGoimu iri muGirigari, mumwe chete; 24  mambo weTiza, mumwe chete; madzimambo acho ese aiva 31.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kuRwizi rwaAnoni.”
Kana kuti “kweRwizi rwaAnoni.”
Kana kuti “kuRwizi rwaJabhoki.”
Kureva, Gungwa Rakafa.
Kureva, Gungwa reGenesareti kana kuti Gungwa reGarireya.