Joshua 11:1-23

  • Maguta ekuchamhembe anotorwa (1-15)

  • Pfupiso yekukunda kwaJoshua (16-23)

11  Jabhini mambo weHazori paakangozvinzwa, akatumira shoko kuna Jobhabhu mambo weMadhoni,+ nekuna mambo weShimroni, namambo weAkshafu,+ 2  madzimambo aiva kuchamhembe munyika ine makomo, aya aiva mumapani* kumaodzanyemba kweKinereti, neaya aiva muShefera neaiva munzvimbo dzine materu dzeDhori+ kumavirira, 3  vaKenani+ vaiva kumabvazuva nekumavirira, vaAmori,+ vaHiti, vaPerizi, vaJebhusi vaiva munyika ine makomo, nevaHivhi+ vaiva mujinga meHemoni+ munyika yeMizpa. 4  Vakabva vabuda nemauto avo ese, vanhu vakawanda kwazvo sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa, nemabhiza akawanda kwazvo nengoro dzehondo. 5  Madzimambo ese aya akarangana kuti asangane, uye akauya, akadzika musasa pamwe chete pamvura yeMeromu kuti arwise vaIsraeri. 6  Jehovha akabva ati kuna Joshua: “Usavatya,+ nekuti mangwana panguva yakaita seino ndichaita kuti vese vaurayiwe nevaIsraeri. Unofanira kutema marunda* emakumbo emabhiza avo,+ uye unofanira kupisa ngoro dzavo nemoto.” 7  Joshua nevarume vese vehondo vakabva vavarwisa vakavarairwa pedyo nemvura yeMeromu. 8  Jehovha akavaisa mumaoko evaIsraeri,+ vakavakunda, vakavatevera kusvika kuSidhoni guta guru,+ neMisrefoti-maimu+ neBani reMizpe kumabvazuva, uye vakavauraya zvekuti hapana kana akapona.+ 9  Joshua akabva avaitira sezvaakanga audzwa naJehovha; akadimbura marunda emakumbo emabhiza avo uye akapisa ngoro dzavo nemoto.+ 10  Uyewo Joshua akadzoka akatora Hazori uye akauraya mambo wayo nebakatwa,+ nekuti Hazori ndiyo yaimbova guta guru paumambo hwese uhwu. 11  Vakauraya vanhu vese vaiva mairi* nebakatwa, vakavaparadza.+ Hapana chinhu chipenyu chakasara.+ Joshua akabva apisa Hazori nemoto. 12  Akatora maguta ese emadzimambo aya uye akakunda madzimambo acho ese nebakatwa.+ Akaaparadza+ sezvakanga zvarayirwa naMozisi, muranda waJehovha. 13  Asi vaIsraeri havana kupisa chero rimwe remaguta akanga ari pazvikomo kunze kweHazori; ndiro rega rakapiswa naJoshua. 14  VaIsraeri vakapamba zvinhu zvese zvemaguta aya nezvipfuwo kuti zvive zvavo.+ Asi vakauraya vanhu vese nebakatwa kusvikira vavaparadza vese.+ Hapana kana chero wavakasiya ari mupenyu.+ 15  Sekurayira kwakanga kwaita Jehovha muranda wake Mozisi, Mozisi akarayirawo Joshua,+ Joshua akaita saizvozvo. Hapana chaasina kuita pane zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ 16  Joshua akakunda nyika yese iyi, nyika ine makomo, Negebhu yese,+ nyika yese yeGosheni, Shefera,+ Arabha,+ nenharaunda ine makomo yeIsraeri nenzvimbo yayo yakadzikira,* 17  kubvira kuGomo reHaraki, rinokwira richienda kuSeiri, kusvika kuBhaari-gadhi+ iri muBani reRebhanoni mujinga meGomo reHemoni,+ uye akatapa madzimambo avo ese, akaakunda, ndokuauraya. 18  Joshua akarwa nemadzimambo ese aya kwenguva yakati rebei. 19  Hapana guta rakaita rugare nevaIsraeri kunze kwevaHivhi vaigara muGibhiyoni.+ Mamwe maguta ese vakaarwisa vakaakunda.+ 20  Jehovha ndiye akavarega vachiomesa mwoyo+ zvekuti vakarwa nevaIsraeri, kuti avaparadze asingavanzwire tsitsi.+ Vaifanira kuparadzwa sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ 21  Panguva iyoyo Joshua akaparadza vaAnaki+ vese vaiva munyika ine makomo, muHebroni, Dhebhiri, Anabhu uye munyika yese ine makomo yaJudha uye munharaunda yese ine makomo yeIsraeri. Joshua akavaparadza pamwe nemaguta avo.+ 22  Hapana vaAnaki vakasara munyika yevaIsraeri; vakangosara+ muGaza,+ muGati,+ nemuAshdhodhi+ chete. 23  Saka Joshua akatora nyika yacho yese, sezvakanga zvavimbiswa Mozisi naJehovha,+ uye akabva aipa vaIsraeri kuti ive nhaka yavo maererano nemigove yavo yaifanira kugovaniswa pakati pemadzinza avo.+ Uye nyika yakazorora pahondo.+

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “muArabha.”
^ Kana kuti “madzira.”
^ Kana kuti “mweya yese yaiva mairi.”
^ Kana kuti “neShefera yayo.”