Jobho 8:1-22
8 Bhiridhadhi+ muShuhi+ akabva apindura achiti:
2 “Ucharamba uchitaura zvakadai kusvikira riini?+
Mashoko emuromo wako akaita semhepo ine simba!
3 Mwari angatsaudzira pakutonga here,Kana kuti Wemasimbaose angaita zvinhu zvisina kururama here?
4 Kana vanakomana vako vaine zvavakamutadzira,Akavarega vachirangwa nemhaka yekupanduka kwavo;*
5 Asi dai ukatsvaga Mwari+Woteterera Wemasimbaose kuti unzwirwe nyasha,
6 Uye dai wakanyatsochena uye wakarurama,+Angadai akunzwaUye akudzorera panzvimbo yako chaiyo.
7 Uye kunyange wakatanga uri wepasi,Ramangwana rako raizobudirira.+
8 Bvunza chizvarwa chekare,Uye funga nezvezvinhu zvakazivikanwa nemadzibaba avo.+
9 Nekuti tinongova vazuro, uye hapana chatinoziva,Nekuti mazuva edu panyika akaita semumvuri.
10 Havangakurayiridzi,Vokuudza zvavanoziva* here?
11 Nhokwe ingareba pasina machakwi here?
Tsanga ingareba pasina mvura here?
12 Painenge ichiri kutungira, isati yatemwa,Inotangira humwe uswa hwese kuoma.
13 Aya ndiwo magumo evese* vanokanganwa Mwari,Nekuti tariro yemunhu asingadi Mwari* ichaparara,
14 Ari kuvimba nezvinhu zvisipo,Uye anovimba nezvinhu zvisina kusimba seimba yedandemutande.
15 Achazendamira imba yake, asi haizorambi yakamira;Achaedza kuramba akaibata, asi haizorambi iripo.
16 Akaita semuti wakadiridzwa uri kukura muzuva,Uye nhungirwa dzake dzinotandavara mumunda.+
17 Midzi yake inorukana pamurwi wematombo;Anotsvaga imba mumatombo.*
18 Asi kana adzurwa* panzvimbo yake,Nzvimbo yacho ichamuramba uye ichati, ‘Handisati ndambokuona.’+
19 Uku ndiko kutsakatika kwaachaita;*+Vamwe vachabva vabuda muguruva.
20 Mwari haangamborambi vaya vanoramba vakaperera;*Uye haazotsigiri vanhu vakaipa,*
21 Nekuti achazadza muromo wako nekusekaUye miromo yako nekushevedzera kwekufara.
22 Vaya vanokuvenga vachapfekedzwa nyadzi,Uye tende revakaipa harizovipo.”
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “Akavaendesa muruoko rwekupanduka kwavo.”
^ ChiHeb., “Vobudisa mashoko mumwoyo mavo.”
^ ChiHeb., “Idzi ndidzo nzira dzevese.”
^ Kana kuti “anotsauka pakutenda.”
^ Kana kuti “Anotarisa imba yematombo.”
^ Kana kuti “amedzwa.”
^ Kana kuti “ndiko kuparara kwenzira yake.”
^ Kana kuti “vasina chavanopomerwa.”
^ ChiHeb., “haazobati ruoko rwevanhu vakaipa.”